‘Ndine nyoka muchiuno’

‘. . . ndini ndakauraya Locadia’

Liberty Dube ari  kwaMUTARE

MUMWE mukadzi, uyo asina kuzivikanwa zita nemakore ake ekuberekwa, svondo rapera akakatyamadza vagari vekuno kuSakubva apo akatanga kushita sezvinoita nyoka, achiti ane zvidhoma nenyoka izvo zvaanoshandisa kuurayisa vanhu nekumuchengetedza kubva kuvavengi.

Vamwe vagari vemumusha unogara veruzhinji uyu vakaungana pasowe raMadzibaba Skynage Marwakuona kunzvimbo yeMaonde vachida kuona zvaiita mukadzi uyu, uyo akangoti anonzi Felix, apo ainge akagarwa nemweya.

Apa aiti aive parwendo rwekunouraya vana nevakadzi vane chitsama vanogara maMutare nekuMasvingo, kunyanya vekumhuri yekuZaka, uko kwaanoti ndiko kwaanobva.

Akatanga kuzvonyongoka achishita senyoka apo rurimi rwake rwainge rwakabuda kunze.

“Zita rangu ndinonzi Felix uye ndine simba guru. Ndiri kubva kuZaka. Ndagara nguva yakareba ndisati ndauraya vanhu nezvidhoma zvangu zvitatu nenyoka yandinofamba nayo iri muchiuno mangu.

“Dzimwe nguva ndinofamba neimwe n’anga ine mukurumbira yekuMasvingo. Ndapedza vanhu muZaka.

“Zvidhoma zvangu nenyoka zvinondichengetedza. Ndakauraya Locadia uye ndinoda kupedza mhuri yake yose. Ndini ndairwarisa vana vake,” akadaro apo aizvonyongoka veruzhinji vakatarisa.

MUKADZI wekuzviti anonzi Felix apo ainge awira pasi akabatwa nemweya waimuita kuti ashite nekuzvonyongoka senyoka apo Madzibaba Skynage (vane magemenzi matsvuku) neveruzhinji vaiona.
MUKADZI wekuzviti anonzi Felix apo ainge awira pasi akabatwa nemweya waimuita kuti ashite nekuzvonyongoka senyoka apo Madzibaba Skynage (vane magemenzi matsvuku) neveruzhinji vaiona.

Vatori venhau havana kukwanisa kuziva kuti ainzi Locadia uyu ndiani uye kuti anogara kupi.

“Nzvimbo ino, zvisinei, iri kupisa. Ndiri kutadza kujairirana nekupisa kwakuri kuita. Ndapota, ndisiyei ndakadaro.

“Ndiri kuona murume ane ndebvu dzakakura kwazvo uyo ari kutambudza mweya wangu.”

Izvi zvakaitika apo muporofita uyu aishandira vanhu pasowe rake riri kurukisheni urwu.

Aka kakange kari kekutanga kuti mukadzi uyu azoshandirwa nemuporofita uyu uye haana kukwanisa kutaura kuti chii chaitika apo mweya waive wakamuputira wainge waenda.

Muhurukuro naMadzibaba Skynage, vanoti mukadzi uyu haana mhosva yaakapara, uye dzimwe nguva haazive zvinoitika kwaari.

“Haizi mhosva yake. Mweya wakaipa uri maari. Felix ndiye munhu asina kunaka panyaya iyi.

“Mweya wakaipa ndiwo wakauraya munhu waanga achitaura. Adzikinurwa, uye pane mhiko dzatamumwaya mvura idzo dzichatadzisa mweya uri paari kurwarisa nekuuraya vanhu,” akadaro muporofita uyu.

Pakutanga kwegore rino, muporofita uyu akamboita mbiri apo mumwe musikana wekuChikanga, imo maMutare, akasvika pasowe rake ndokutanga kushita nekuzvonyongoka senyoka achinzi akange akapihwa shave rehuroyi nevamwe ambuya vekuChipinge avo vanonzi vane mapere 6, nyoka 5, mazizi mashanu nenhiriri kana kuti bonga (wild cat) imwe chete. — Manica Post.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *