‘Okecha’ mombe achisiya mukadzi

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME ane mudzimai wekuMhangura ari kubvuma kuti anosiya mukadzi wake achinoshinha nemombe hadzi achipa chikonzero chekuti izvi anozviita nekuda kwemamhepo akatandidzirwa kwaari nevavengi vake.

Clayton Jonasi (31) – uyo anogara paPlot 1 kuChiware – haana kuramba mhosva iyi paakabvunzwa namutongi Christine Nyandoro wedare reMhangura Magistrate Court, asi ndokupa chikonzero chinoita kuti adaro.

Jonasi anonzi aishandira Emily Zimuto semufudzi wemombe apo paakazobatwa achikoromora mhosva iyi.

Mutongi Nyandoro anoti Jonasi anofanira kunoongororwa njere dzake nanamazvikokota vezveutano sezvo tsanangudzo dzemhosva yaakapara dzichiratidza kuti munhu ane pfungwa dzakati tsvetere haadaro.

Jonasi anoti kushinha kwaakaita nemombe iyi yaive isiri mhosva yake, asi kuti anotumidzirwa mamhepo nevamwewo vanhu vanomuvenga. “Handitozivi kuti zvakafamba sei kuti ndishinhe nemhuka iyi. Asi ndinokumbirisawo nenyasha dzaMwari kuti dare rindinzwisise kuti uku hakusi kuda kwangu.

Muchuchisi Eugiene Moyo anoudza dare kuti nemusi wa17 Nyamavhuvhu munguva dzokuma 12 masikati, Jonasi anonzi akaenda kudanga remombe raZimuto sezvaaigara achiita.

“Asvika padanga iri, Jonasi anonzi akatora imwe mombe njuma ndokuisungirira pawaya yedanga,” anodaro Muchuchisi Moyo.

Anonzi akabva ashereketa nayo.

Gure rakazobuda pachena mushure mekunge Ngwarai Zimuto naRudo Tsikisai vabatikidza musungwa uyu ari pakati pekupara mhosva iyi. Vaviri ava vakabva vamhan’ara nyaya iyi kuMhangura Police Station zvikaita kuti Jonasi asungwe.

 

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×