Opumha maiguru huroyi

Amager Mufema
MUDZIMAI wekuti akanangwa huroyi nemuramu wake achinzi akaisira vana vake muchetura muzvekudya akazokwidza nyaya yekunetsana kwavo kumatare edzimhosva.

Memory Chiramba akaendesa munin’ina wemurume wake, Nomore Geya, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumupumha huroyi.

“Babamunini vari kuti ndakapa vana vavo poizeni asi ini handina kana zvandakamboita kuvana. Vakabva pamba pangu vave kunogara kumwe nemukadzi wavo asi ndini ndakanga ndatovatora kumusha ndichida kuti vazvibatsire upenyu hwavo. Kungoroora kwavakaita, dambudziko rakabva ratanga,” akadaro Chiramba.

“Chiri kunyanya kuti ndinzwe kutya ndechekuti babamunini vakadzoka vave kugara padhuze nepamba pandinogara uye mashoko avakataura akandityisa. Vakanditi, ‘Gore rino tinopedzerana, haungambope vana vangu poizeni.’

“Mambo wangu, ndiri kutyira upenyu hwevana vangu, kutaura kuno ndakatoudza vana kuti vasadye kana kuenda kumba kwababamunini vavo nekuti vangafire yandisingazive.”

Chiramba akati Geya akaudza hama dzake kuti iye muroyi.

“Babamunini vakaudza hama dzavo naamai vangu nyakundibereka kuti ndiri muroyi. Ndakatomboedza kuudza vamwe vemumusha kuti vagadzirise nyaya iyi sezvo ini ndiri muroora, ndaingoona kuti hazviite kuti ndiendese babamunini kudare nyaya yedu isina kumboedza kugadziriswa mumusha.

‘‘Sekuru vavo vanoshanda semupurisa ndivo vakazondipa zano rekuti ndiuye kuno,” akadaro Chiramba.

Geya akapikisana naChiramba achiti ainyepera dare.

“Maiguru vari kundinyepera, handina kumbovati muroyi. Mashoko ose avari kutaura aya ndeemakuhwa. Maiguiru ndivo vaitondirova mukoma varipo, vakatarisa vachiti, ‘Pano panoti ini’.

“Mukoma wangu akasvika paakanditi ndisauye kumba nekuda kwavo maiguru,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Chiramba gwaro rerunyararo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×