Opura mari nenzungu

Kingstone Mapupu —
MURIMI wenzungu kudunhu raMambo Chikwizo, kuMudzi, anoti apunduka nekudzirima achinotengesa kumisika yakasiyana munyika.

VaSimbai Makina (49), vemumusha waSabhuku Zano, vanoti chirimwa ichi chiri kuvabhadhara kudarika zvimwe zvose.

“Ndava nemakore mazhinji ndichirima nzungu idzo dzinondibhadhara zvikuru, ndinorimawo zvimwe zvirimwa zvakaita semhunga nemapfunde senzvimbo isinganaye mvura zvakanaka. Munzungu mune mari, dzandisimudzira zvikuru,” vanodaro.

Mumwaka wezhizha wakadarika, murimi uyu akanga akarima mahekita mana enzungu idzo akakohwa uye parizvino ari kutonongora nekupepeta achiisa mumasaga kuti azonotengesa.

“Ndinohaya rori kana kuisa pamusoro pemabhazi ndoenda nadzo kuMbare uko bhagidhi renzungu dzakatonongorwa ndinotengesa ne$14. Izvozvi ndine vashandi 8 pamwe chete vanotonongora, kupepeta nekuisa mumasaga tichisona,” vanodaro.

Vanoti vashandi ava vanovabatsira kubvira pakudyara nzungu mumunda, kusakura pamwe nekuzokohwa.

“Basa rangu iri handiite ndoga ndine mudzimai anondibatsira, Josphine Maponga, nevana vedu vatatu,” vanodaro VaMakina.

Murimi uyu anoti vanhu ngavasamirira kupinda mabasa kumakambani sezvo ivo voga vachikwanisa kuzvishandira nekupinzawo vamwe mabasa.

“Ndinoenda nenzungu kunotengesa kaviri pamwedzi, dzangu dzandakarima dzikapera ndinogumawo ndave kutenga kune vamwe,” vanodaro.

VaMakina vanoti vari kukwanisa kuendesa vana vawo kuchikoro nekuwanawo zvose zvavanoda. “Tinodya dovi pamadiro uye dzimwe tinokanga tichidya mutetenerwa. Muvhu mune mari veduwe,” vanodaro.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×