Orambirwa kutotesa mubhedha

Gibson Mhaka

MUDZIMAI wekuNyamandlovu, kunzvimbo yeUmguza, akazonopotera kudare redzimhosva achida kuti riparadze muchato nemurume wake achiti akandiswa mapfumo pasi nehunhu hwake hwekuitira weti mumagumbeze zuva roga-roga.

Violet Maphosa akaudza dare reBulawayo Customary Court kuti haachakwanisa kuramba achigara nemurume wake wemakore 20, Nkululeko Ndlovu, nekuda kwetsika yake yekuti pose paanodhakwa anoitira weti mumagumbeze.

“Wanano pakati pedu yaparara uye hapana mukana wekuti tichagara tose zvakanaka zvakare nekuda kwezvikonzero zvinotevera:

“Murume wangu chidhakwa uye pose paanonwira doro anoitira weti mumagumbeze, kunyangwe nguva dzakawanda mangwanani asati asvika uye pandinoedza kutaura naye anobva atanga kuita mhirizhonga achindirova.

“Ndaneta nekugara mumba mumwe chete naye zuva nezuva achinyorovesa pamubhedha. Pamusoro pezvo, sevanhu vari muwanano, hatisisina rudo pakati pedu, kuvimbana kana kuremekedzana nekudaro ndinoda kuti tirambane,” rinodaro gwaro raMaphosa rechikumbiro chaakaisa kudare.

Mudzimai uyu anoti tsika yemurume wake yekuitira weti mumagumbeze yave kuita kuti mumba mavo mugare riri gutukutu kunhuwa.

Maphosa, uyo anoda kupihwa kodzero yekuzochengeta vana vavo vatatu kana muchato wavo waparadzwa, anoti anodawo kupihwa zvakare midziyo yemumba uye zvipfuyo vogoveranwa zvakaenzana.

Ndlovu ari kutarisirwa kupa divi rake munyaya iyi pachadzoka vaviri ava mudare munguva pfupi inotevera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×