Orara naamai‘. . . kuti zvitoro zvangu zvifaye’

Sukoluhle Ndlovu ari kuGOKWE
MAMBO Chireya vekuGokwe vachangobva kutonga nekuripisa mwanakomana naamai vake vekumubereka mombe tsere mushure mekuvabata nemhosva yekuti vari kushinha vose semhiko yekuti mabhizimisi avo abudirire.

Makunakuna aya aitika kwechipo chemakore maviri uye mwanakomana uyu ane mudzimai nevana 4.

Amai vake ishirikadzi mushure mekunge murume wavo – baba vemuchinda uyu mbune, avo vaivawo nemabhizimisi – vafa makore maviri adarika.

Muzvinabhizimisi Tadiwa Rushungo (37), uyo ane musha mubhuku raChiyanga, ikoko kuGokwe, akashamisa vagari veko apo akapupura padare ramambo kuti anoshinha naamai vake vekumutumbura senzira yekuti mabhizimisi abudirire.

Tadiwa akasiya vanhu vainge vaungana pavaitongwa vasina neremuromo apo akati kwenguva inokwana makore maviri, anoshereketa mumachira naamai vake, Getrude Mashamba, izvo zvaanoti zvinongozivikanwa nevaviri ava bedzi.

Mumwe wevari kuziva nezvemakunakuna aya anoti Tadiwa naamai vake vanoshinha vose mwedzi woga-woga semhiko yavakapihwa neimwe n’anga zvichitevera kufa kwababa vake, VaTwoboy Rushungo.

“Vaviri ava vanoshinha vose panopera mwedzi woga-woga sezvavakaudzwa nen’anga.

‘‘Hapana aimbofungira kuti pane zvaiitika kusvikira apo vakazobatikidzwa nemuvakidzani wavo vachishereketa vose.

“Vakazoendeswa kudare vachipomerwa mhosva yekuita makunakuna. Tadiwa – uyo ane vana 4, akabvuma pamberi pedare ramambo raive rizere nevanhu kuti anoshinha naamai vake kuti mabhizimisi ake afaye.

“Akapupura kuti kubvira pavakatanga kushinha vose, zvinhu zvavo zviri kufamba sezvo akakwanisa kutenga imba paGokwe Centre nemakombi maviri,” anodaro uyo ari kuti aive padare iri.

Anoenderera mberi: “Mashamba akaudza dare kuti akabvuma kupota achishinha nemwana wake nekuti ndizvo zvavakaudzwa kuti vaite nen’anga zvichitevera kufa kwemurume wake uyo aive muridzi wemabhizimisi aya.

‘‘Anoti n’anga iyi yakamuudza kuti kana akarega kuita zvayainge yareva, mabhizimisi avo aizobhuroka.”

Mambo Chireya vanotsinhira kuti vakatonga Tadiwa naamai vake nemhosva yekuita makunakuna uye ndokuvaripisa mombe shanu dzemhaka yekusvibisa kwavakaita dunhu ravo.

Vanoti makunakuna haatenderwe zvachose uye vose vanobatwa nemhosva iyi vanofanira kupihwa zvirango zvakaomarara.

“Handidi zvachose nyaya dzemakunakuna mudunhu rangu. Kudanana kwemhando iyi hakutambirwe kunyangwe muZimbabwe mose nekuti hazvina hunhu uye zvinosemesa.

“Ndakati Mashamba nemwanakomana wake vabvise mhou shanu senzira yekuripa kukanganisa nekunyadzisa kwavakaita dunhu rino uye ndikati Tadiwa aripe dzimwe mombe mhou nhatu kumukadzi wake,” vanodaro Mambo Chireya.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *