Vopura mari nebhindauko remarara

Muchaneta Chimuka
VANHUKADZI vane chitsama vemuHarare vari kubatsirikana kuburikidza nemabhindauko ekusona, kuruka pamwe nekugadzira mabhegi vachishandisa marara emapurasitiki ayo avanonhonga zvinova zviri kubatsira mukuderedza nyaya dzekusvibiswa kwenharaunda.

Mai Tariro Tizora (47) vekuMabvuku – avo vanoshanda saCommunity Service Officer kukanzuru yeHarare – vari kukurudzira madzimai kuti vapinde muzvirongwa zvemhando iyi senzira yekuvandudza raramo yavo.

Vanoti vanoshandisa mahoro (hall) ekanzuru apo vanoita zvirongwa zvavo.

“Tine madzimai anodarika zana ayo atinofundisa mabhindauko akasiyana kusanganisira kusona machira ekuwaridza pamibhedha, epamasofa, mayunifomu nembatya dzemhuri.

“Tinoshanda pamwe nekanzuru yeHarare inova inotibatsira mukushambadza mabasa edu uye sangano reEnvironmental Management Agency (EMA). Saka tirimo muzvirongwa zvekuchenesa nharaunda ndiko kusaka tichishandisa marara emapurasitiki mukugadzira mabhasikiti, mabhegi nezvimwe,” vanodaro.

Mai Tizora vanoti kunze kwekusona, vanofundisana mabasa ekubika makeke, masamusa, sipo, kugadzira mhete, zvuma nezvimwe vachitengesa kuti vawane mari yekuriritira mhuri dzavo. “Tinoshanda zvakare nevechidiki tichivafundisa mabasa emaoko zvinova zvinoita kuti vasazowana nguva yekuswera vachitora zvinodhaka izvo zvinokanganisa upenyu hwavo. Zvizhinji zvezvatinoita zvinowanikwa paFacebook yedu yakanzi ‘the city of harare’,” vanodaro.

Vanoti mumwe wemadzimai ari muchikwata chavo akagadzira hove

achishandisa marara emapurasitiki iyo ari kutengesa kuti akwanise kuwana mari yekunopa rubatsiro kuvanhu vakasangana nematambudziko emafashamu emvura aive nedutumupengo, eCyclone Idai, kudunhu reManicaland nguva yadarika.

Mai Tizora vanoti hove mucherechedzo weupenyu asi zvichitevera mafashamu aya, vanhu, zvirimwa nezvipfuyo kusanganisira hove dzaive munzizi nemadhamu zvakayeredzwa kureva kuti upenyu hwakaparadzwa.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *