Oroverwa ‘kudanana’ nababa nabhudhi

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI wekuti ari kushungurudzwa kwemakore mana nemurume wake achimuti anodanana nehanzvadzi yake pamwe chete nababa vake akazopotera kudare redzimhosva.

Christina Chitsiku akaendesa Norman Mubaiwa kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimurova nekumutuka achimupomera kuita makunakuna.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chitsiku gwaro rinomudzivirira.

Chitsiku anoti Mubaiwa anomutuka nekumurova achimuti ipfambi isinganyare uye inodanana nehama.

“Tava nenguva tiri tose nemurume uyu, asi azondipedza simba. Anondirova nekunditukirira achiti ndiri pfambi isingazive pekugumira. Anonditi ari kundirovera kudanana kwandinoita nababa nehanzvadzi yangu.

“Handizive kuti sei achindifungira zvinhu zvakaipa kudaro. Ava nemakore 4 achindishungurudza kudaro,” anodaro Chitsiku.

Anotiwo murume wake anoshungurudzawo vana vavo.

“Baba ava vave kushungurudza nevana vedu. Vanoti ndikawana basa kana kuti ndakaenda kubasa, vanotanga kurova vana. Hanzvadzi yangu yakandipa mari yekuti nditange tuckshop akandirova achiti ndarara nehanzvadzi yangu kuti ndiwane mari iyoyo.

“Musi wandamupa mapepa ekuti auye kudare, akabva anditi haachandida, ndave kufanirwa kubva pamba,” anodaro Chitsiku.

Mubaiwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *