Osungirwa kubata mukadzi magadziko

Muchaneta Chimuka

MURUME mukuru wekwaSeke akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo aitongwa nemhosva yekubata magadziko emumwe mudzimai uyo aiva muchitoro maanoshanda.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts Tinashe Tashaya akati Elvis Shinga (30) wekwaSeke Materera adzoke mudare iri munguva inotevera apo achapihwa mutongo wake.

“Mhosva yekubata mudzimai uyu magadziko ndinoibvuma asi kuti ndakazviita ndakadhakwa,” anodaro.

Shinga akambotanga achiramba nyaya iyi achiti akabata mudzimai uyu mapendekete kwete magadziko.

Muchichisi Cecilia Mashingaidze akaudza dare kuti nemusi wa4 Kukadzi zuva rava kudoka, mumhan’ari Chenai Kumbirai Musekiwa (37) akange ari pazvitoro zviri paSeke Materera achibatsira vatengi apo Elvis akapindawo muchitoro ichi.

Chenai anonzi akakotama achida kutora mari yainge iri mubhokisi rinochengeterwa mari iyo akanga achida kutambidza mumwe mutengi panova pakatora Elvis mukana wekumubata magadziko.

Chenai, uyo asina kufara nazvo, akabva atendeuka ndokumubvunza kuti sei ainge amubata asi Elvis akabva atiza.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti murume uyu asungwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×