Oti mukadzi ndiye akauraisa mwana

Trymore Muvhawa—

MURUME wekuenda kudare achida kupihwa mvumo yekugara nevana vake akadya magaka mambishi achiti hazviite kuti vagare neaimbova mudzimai wake uyo waanopomera kuti akakonzera rufu rwemumwe mwana wavo uye kuti anoita zvechipfambi vana ava vachiona.Daniel Chizura akaendesa aimbova mudzimai wake, Elizabeth Makuyana, kuHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekugara nevana vake. “Mambo wangu, chandiri kuda ini kuti vana vangu ndigare vavo nekuti mudzimai uyu ane tsika yekuitira vana hutsinye. Ngaakanganwe zvake kuti takaita vana tose nekuti vana ava ndikavatora haavawane zvakare.

“Aive netsika yekuita zvikomba pamba vana vachiona. Kushungurudza vana kwemhandoyi kwakadaro? Handidi zvangu kuti mukadzi uyu agare nevana vangu nekuti haana chaanovadzidzisa uye haana rudzi navo,” akadaro. Akaenderera mberi achiti: “Mukadzi uyu ndiye akakonzera zvakare kufa kwemwana wedu wechitatu mushure mukunwa strong washing powder mazuva ake ekusununguka aswedera zvikaita kuti mwana waakasununguka azofe mushure memazuva mapfumbamwe abarwa.”

Makuyana akapokana nechikumbiro chaChizura achiti ainyepera dare kuti anoshungurudza vana vavo.

“Ini ndinokwanisa kuchengeta vana vangu ndega, hameno kuti iye ari kudei pavana vangu. Kana iye achiti ndaive netsika yekuunza zvikomba pamba sezvaari kutaura anozoziva sei kuti vana ava ndevake? Uye anofanira kuburitsa umboo hunoratidza kuti ini ndiri mhondi, ndini ndakakonzera rufu rwemwana wangu sezvaari kutaura,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akati Chizura anofanira kugadzirisa zvimwe zviri muchikumbiro chake sezvo mazita evana vaanoda kugara navo asiri iwo akanyorwa muchikumbiro chake.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *