Oti mukadzi wake muroyi

Amager Mufema

MUDZIMAI wekugara achirohwa nemurume wake achipomerwa kuti ndiye muroyi akadya mwana wavo, akazopotera kudare redzimhosva uko akapihwa gwaro redziviriro.Sarudzai Manzvimbo akaendesa murume wake, Oliver Mutiza, kuHarare Civil Court achiti anomurova pamwe nekumuti muroyi.

“Ishe wangu, vazhinji vanoti chakafukidza dzimba matenga. Ndambozama kunyarara asi iko zvino handichazvikunda zvandiri kuitwa nemurume wangu. Ndinorohwa ndichinzi ndiri muroyi ndakadya mwana wedu.

“Kana makazviongororesa, pane angadye mwana waakatakura kwemwedzi mipfumbamwe here? Mwana akangofawo asi ndiri kunzi ndakadya mwana wedu.

“Pandinopedza kurohwa ndinotomboita sendafa ndozobengenuka kwapera chinguva,” akadaro Manzvimbo.

Akati murume wake anogara achishungurudzawo vana vavo achivarova zvisina tsarukano.

“Haana kana chido nevana vake, anongovarova achiti, ‘Amai venyu muroyi, vakadya mukoma wenyu saka muchagara muchingorohwa pamba pano’,” akadaro Manzvimbo.

Mutiza akapokana nechikumbiro chaManzvimbo chekuti apihwe gwaro redziviriro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akamubvunza kuti haana kumbobvira arova mukadzi wake here iye ndokuti: “Kumutuka ndakamutuka kamwe chete, ndingangoti taitukana. Ndipo pandakamuti muroyi.

“Kurova mukadzi anorohwa nekuti ndinenge ndichimuranga.”

Mutongi Gofa akapa Manzvimbo gwaro redziviriro.

 

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *