Ovavirwa nemukadzi wemapoto

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUDZIMAI wekuchaya mapoto nemumwe murume kwemakore akawanda akazochema-chema mudare achiti akamupedzera nguva yake uye pari zvino ari kumushungurudza kunyangwe zvazvo vakarambana.

Morechange Shoko akamhan’arira Takai Mutsakani kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutuka, kuuya kumba kwake kana kumutyisidzira.

“Ndakagara naye murume uyu asi aiti kana adhakwa aindirova nekundituka, kundinyadzisa pane vanhu achiti ndinoita zvechikomba. Ndakamusiira nyaya idzodzo zvino ava kuuya kwandava kugara achindishungurudza, achindituka uye anoti akandiona ndiine mumwe murume anotanga kutaura zvisina basa. Saka ndiri kuda kuti kana akandiona ndichifamba nemunhu wechirume ngaandisiye ndiite zvandinoda,” anodaro Shoko.

Anoenderera mberi achiti Mutsakani akamupedzera nguva yake nekuti haana kumuroora.

“Akandipedzera nguva yangu yose yandakagara naye asina kundiroora saka ndakazongwara ndikasiyana naye asi anoda kuramba achingonditonga. Ngaandisiye ndifare, kana achida kuona mwana ngaandifonere kwete kungoerekana auya,” anodaro Shoko.

Mutsakani anopokana naShoko achiti akatora midziyo yose yemumba nekudaro kana chikumbiro chake ichi chikatambirwa, zvinoreva kuti zvinhu zvake haachazviwana.

“Chikumbiro ichi ndinopokana nacho nekuti mudzimai uyu musi waabva pamba akatakura midziyo yose yaiva pamba achienda nayo kuchikomba chake saka ini ndikanzi ndisataure hazviite, ndiri kutodawo zvinhu zvangu zvaainazvo nekuti zvikasadaro ndinenge ndabatirirwa,” anodaro Mutsakani. Achipindurawo, Shoko anoti akatakura midziyo yose nekuti Mutsakani akamuti aitore.

“Ndakatakura zvese nekuti ndiye akanditi kana usisade zvepano takura zvese. Aida kuti ndizvisiire ani uye ndiwo muripo wangu nekuti ndakagara naye asina kundiroora,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaShoko achiti mumwe nemumwe ngaagare kwake uye panyaya yemudziyo ngavataurirane.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *