Ozvambaradza mukadzi

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vazoshamisika apo mumwe mudzimai akati kana murume wake achinge agumburwa neshamwarikadzi yake, anopedzera shungu kwaari achimuzvindikita. Ellah Mwanza anogara kuDzivarasekwa, muHarare, akaendesa murume wake Philemon Sarai kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro. Anoti murume wake kana akagumburisana neshamwarikadzi yake, anopedzera shungu kwaari.

“Murume rudzii anondipedzera shungu kana achinge avhiringwa kushamwarikadzi? Ini handichade nezvake, ngaasatombotsika gumbo rake pamba.

“Zvakare, imba iyi haisi yake, tiri kutongochengetwawo nasekuru vake asi iye anototi pamba ndepake,” anodaro Mwanza.

Anoenderera mberi achiti, “Murume uyu ipfambi nekuti akatobuda mumba achindisiya achinogara neshamwarikadzi. Aisindinyepera kuti anonoka ari pamutsetse wekutenga mafuta emota apo iye anenge anokemba zvake kushamwarikadzi. Kana azopedza zvaanoita ikoko, oda kuuya kwandiri.

“Akanyimwa kana bonde ikoko, anouya akaisa muromo mumhuno ondishungurudza nekundibhura.

‘‘Ngaaende ikoko ini handichada hangu, ndaneta nekutambwa kunge bhora,” anodaro Mwanza.

Mutongi Gwatidzo akapa Mwanza gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *