Ozviti haasisiri ‘mhene’

Orpah Mukotekwa
MURUME anoti aimbova muzvinhabhizimusi ane mbiri akachema-chema mudare achida kudzikisirwa mari yemendenenzi yaari kubhadhara kubva pa$80 kusvika $30 achiti upenyu hwakange hwamuomera sezvo ave kudya nhoko dzezvironda.

Tafadzwa Kuzinya akamhan’arira aimbove mukadzi wake, Tafadzwa Macheka, kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe.

“Changamire vangu, ndaimbove shoroma chaiyo panguva yandakatanga kugara nemukadzi uyu. Ndaitokwanisawo chose kumupa $80 sezvo upenyu hwakanga hwakambondinakira. Izvozvi upenyu hwandichinjira, ndave kurarama zvehukopo-kopo.

“Hongu, kushanda ndinoshanda asi basa randava kushanda mazuva ano harichabhadhara. Kubasa kwedu mari iri kutonetsa zvekuti ndinogona kumboita mwedzi ndisina kutambira. Kutaura kudai ndava nemukadzi nemwana zvekuti zvinhu hazvina kumbondimirira mushe.

“Mukadzi wandave naye anodawo kuchengetwa zvose nemwana wake. Ndiri kukumbirisa kuti mari yangu yemendenenzi dai yaidzikiswa kubva pa$80 kuenda pa$30 pamwedzi,” akadaro Kuzinya.

Macheka akapikisana nezvaitaurwa naKuzinya achiti:

“Ndinoshamiswa nababa ava uye ndinonzwa kuvanyarira kana vachitaura manyepo akadai pamberi pedare nekuti kubasa kwavo mari iriko zvandinoziva. Zvese zvavari kutaura yangova nzira yekuda kuhwanda nemunwe. Baba ava vanotopenga chete uye vane hutsinye kumwana wavo. Ndibaba rudziiko vasingadiwo kuti mwana wavo agare zvakanaka?

“Mari yavari kunyepa kuti vaimbobhadhara vakanga vasisatombobhadhare, chokwadi murume musvinu-svinu akadai kurwadziwa nekuchengeta mwana wake? Ndakatozombomusungisa asisatombodhare, umboo hwacho ndinahwo.

“Mwana wake anoenda kuchikoro akapfeka mamvemve nemazibhutsu apera pasi pese apa kutoita kunge nherera ivo baba vake vachiri vapenyu. Mwana ane dambudziko rekurwara nemudumbu asi havambobatikani nazvo kuti mwana anodawo kuendeswa kuchipatara.”

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×