Dhiri remudhudhudhu rakadhuuka

Orpah Mukotekwa
DHIRI rekutengeserana mudhudhudhu pakati pevarume vaviri rakazoputika apo vakadhonzerana kudare mushure mekunge nyakutengeserwa ave kuda kudzoserwa mari yake.
Tarisai Musekiwa akamhan’arira Warren Karonge kuHarare Civil Court achiti ari kuramba kumupa mari yake yakasara paakamutengesera mudhudhudhu.

“Changamire, baba ava havana kumbokwana, vakauya kwandiri vachida mudhudhudhu wandakanga ndinawo ndikavatengesera nemari inoita $300. Takawirirana kuti vaimbotanga vandibhadhara $210 zvinova ndizvo zvavakaita.

“Takazopedzerana pakuti imwe yacho vaizondipa nekufamba kwenguva. Mushure mekunge murume uyu aona kuti aneta nekufambisa mudhudhudhu uyu, ndipo pandakashamiswa kuona achidzoka kwandiri achindiudza kuti haachade mudhudhudhu wangu,” akadaro Musekiwa.

“Baba ava vakandiudza kuti vava kutsvaga mumwe munhu anoda kutenga mudhudhudhu uyu ndikavaudza kuti wiriranai saka ini kwaari ndiri kungoda $90 yangu yasara iyo yaari kuramba nayo. Ndiye ava kutondiudza kuti ndini ndaifanira kutomupa $100 hameno kuti ndeyei.”

Karonge akati ndiye anofanira kupihwa $100 naMusekiwa nekuti akamutengesera chimudhudhu chakafa.

“Zvinobatsira chii kuti nditenge chinhu chakaora ne$300, vanofunga kuti mari inonhongwa here? Handina mari yekuswera kutambisa ini ndichitengeserwa mugweje wakadai.

“Murume uyu anotofanira kundidzosera mari yangu yaakandinyengedza ndichimbotenga zimudhudhudhu rake rakafa. Zvese zvaari kurotomoka muno kuti ndimupe mari ndezvekupenga, handina mari yekutambisa ini,” akadaro Karonge.

Mutongi Tatenda Manhanzva akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×