Pachikoro pounzwa n’anga nemasvikiro

Kingstone Mapupu
NYAYA yevana vanonzi vakatiza chikoro mushure mekuvhiringidzwa nezvinhu zvinonzi zvidhoma paNyanhunzi Secondary School, kwaBepura, kuGuruve, yakora muto zvichitevera musangano wakaitwa neMuvhuro svondo rapera nevakuru venzvimbo iyi pamwe chete nemasvikiro.Pamusangano uyu pakawiriranwa kuti chikoro cheNyanhunzi chichenurwe pachishandiswa nzira dzechivanhu.
Izvi zvinotevera nyaya yevana vanokwana 30 vanonzi havazi kuenda kuchikoro nekuda kwekuti vari kurohwa nezvidhoma.

Dambudziko iri rinonzi rave nenguva inodarika mwedzi uye rinoita kuti vana vabatwe nemamhepo vachibvotomoka nekupunzikira pasi, kupupa furu nemukanwa nemumhuno pamwe cheye nekumhanya vachitiza pachikoro vachizhamba kuchema.

Sachigaro wekomiti yepachikoro ichi, yeSchool Development Committe, Mai Dudzai Muroiwa (45), vakatsinhira nyaya yemusangano wakaitwa kutsvaga mazano ekupedza dambudziko iri vachiti kwakawiriranwa kuti chikoro chinofanirwa kuchenurwa.

“Vabereki vakaungana nemasabhuku mushure mekunge Mambo Bepura vanoonekwa, kukazoendwa kusvikiro redu guru, Svembere, uko vakataurirwa zvekuita,” vakadaro Mai Muroiwa.

Kanzura weWard 9 inobata nzvimbo ine chikoro ichi, VaMisheck Kamba, vakatsinhirawo vachiti:
“Takaungana nemasabhuku ose achitungamirirwa nemukuru wavo muno, VaGolden Mandaza. Mamwe emasabhuku aya akazoenda kwatateguru Svembere uko vakanotaurirwa zvekuita.

“Ndakazonzi ini sakanzura wenzvimbo ino ndiende kunotaura naMudzviti weGuruve, VaGatsi, izvo ndakaita vakanditi ndinyorere kuti kuchenurwa kwechikoro ichi kuitwe.

“Mambo Bepura ndakavaona vakati tiite zvose zvaidiwa kuti basa rekuchenurwa kwechikoro ichi riitwe.”
Chikoro ichi chine vana vanokwana 231 vanobvira Form 1 kusvika 4 uye chakavambwa muna 2003.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *