‘Pakurirai vana dzidzo izere’

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvakakosha kuti zvikoro zvipe vana dzidzo yakazara inosanganisira mabasa emawoko nemakombiyuta sezvo izvi zvichizovabatsira mune ramangwana.
Mashoko aya akataurwa svondo rapera nevakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaEdward Shumba, pamabiko eChitungwiza District Merit Awards.

VaShumba vakarumbidza dunhu reChitungwiza nekuwanisa vana vechikoro dzidzo yakazara vachiti fundo, kuburikidza neE-learning, inofanira kuramba ichikurudzirwa muzvikoro.

“Ndinotenda zvakanyanya nebasa ramuri kuita rekupa vana dzidzo izere inosanganisira mabasa emawoko nemakombiyuta. Imi vana vechikoro chitorai mukana uyu mushandise makombiyuta kuita zvidzidzo neE-learning zvinokubatsirai kuti mupase zvikuru,” vakadaro VaShumba.

Vakati vainge vasina kukwanisa kuwana mibairo ngavarege kuwora moyo asi kuti vashande nesimba vagobudirira mune remangwana.

“Munhu haangowani mubairo asina kushanda nesimba, ndapota, imi vana vechikoro pamwe nemi vadzidzisi vhurai nzeve kana vamwe vachipangwa sezvo ndipo panobva dzidziso inokosha mochizvipira kushanda nesimba sekuti gwara reupenyu munenge matoriwana,” vakadaro VaShumba.

Vakarumbidza zvikoro zvemudunhu iri nekugona basa sezvo rakabura shasha dzakakunda zvinonwisa mvura pamazamanishoni eGrade 7, O- neA-Level egore rapera.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wedzidzo mudunhu reChitungwiza, VaAbsalom Chinoona, vakati zvikoro zvaitarisirwa kuvaka makirasi evana veECD sezvakatarwa neHurumende.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×