Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaSeke, kudunhu reMashonaland East, vari kurumbidza Hurumende nedanho rayakatora rekuti mitengo yezvinhu zvinodiwa neveruzhinji zuva nezuva idzikiswe kudzokera payaiva musi wa25 Kurume.
Kubva pakaiswa chirongwa neHurumende chekuti vanhu vambogara kudzimba senzira yekurwisana kupararira kwechirwere cheCovid-19, vemabhizimisi vakatanga kukwidza mitengo yezvinhu zvinoshandiswa nevanhu mazuva ose zvikasiya veruzhinji vochema chema.
Sabhuku Rubatika VaGerald Rubatika (65) vekuDema, vanoti muzvitoro zveko zvinhu zvange zvisisatengeke izvo zvakonzera kuti veruzhinji vaomerwe.
“Danho ratorwa neHurumende rekuti vezvitoro vadzikise mitengo yezvinodiwa zuva nezuva rakakosha zvikuru sezvo tange tisisagone kuzvitenga nekuda kwekudhura. Fungai kuti muzvitoro zvepaDema, 2 kg yeshuga iri kuita $150, 2 litres yemafuta ekubikisa iri pa$140, sipo yekuwachisa $60. Munyu chaiwo 500g uri kutengeswa ne$20.
“Saka zvaitwa neHurumende tinozvikudza, yatibvisa mukanwa meshumba dzeavo vanokara mari kudarika upenyu kwevanhu,” vanodaro.
Sabhuku Rubatika vanoti vanhu vakawanda kumaruwa uku havachakwanisa kutenga zvekudya muzvitoro zveko nekuda kwekuti zviri kuvadhurira.
Kuchiti Sekuru Clark Madzandire (79) avo vanogara munharaunda iyi, vanoti mari shoma yavanopihwa nevane tsiyo nyoro yanga isisina basa isisakwanise nekuda kwekudhura kwezvinhu muzvitoro.
VaArineshto Soriya vanotiwo vezvitoro izvi vanofanirwa kusungwa nekuda kwekurwadzisa kwavari kuita vatengi.
“Vezvitoro ava vanofanirwa kusungwa. Tinotenda Hurumende nekudzikisa kwayaita mitengo yezvinhu nekuti muzvitoro mange musisapindike. Kutaura chokwadi tanunurwa,” vanodaro VaSoriya.




