Pana Madzibaba Ishmael: Kwayedza yakagara yazvireva

PANYAYA yekutiza mapurisa kwaMadzibaba Ishmael Chokurongerwa, muporofita weJohane Masowe weChishanu, bepanhau renyu reKwayedza rakabvira razvireva.

Apo mamwe masangano nemapepanhau aiburitsa mashoko akasiyana pamusoro pemuporofita ari kupomerwa, pamwe chete nevatendi vesowe rake, kurova mapurisa, vatori venhau nevamwewo vanhu pasowe rake kuBudiriro, muHarare uyu, bepanhau rino raiburitsa zvaro, izvo zvazowirirana nekwakasungirwa Madzibaba Ishmael.

Madzibaba Ishmael akasungwa nemapurisa svondo rapera kumusha kwake kwaMurehwa uye ari kupinda mudare achipomerwa kukurudzira vatendi vake kurova mapurisa, vatori venhau nevakuru vesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe.

Sezvakabvira zvarehwa nebepanhau rino gore rapera, murume uyu akabatirwa kumusha kwake kwaChigogodza, kwaMurehwa kwete dzimwe nzvimbo dzaitaurwa kuti ndiko kwaanobva.

Kwayedza yakagara yaburitsa kuti Madzibaba Ishmael anobva kwaMurehwa, aionekwa kuCross uye vatori venhau vedu vakagara vatsvagurudza vakanosvika kumusha kwake uko kwaazobatirwa, zvisinei kuti pane vaiti anobva kuMhondoro kana kuti kuHwedza.

Isu ndisuzve takatanga kuburitsa kuti muporofita uyu zita rake chairo anonzi Ishmael “Chokurongerwa” kwete Ishmael “Mufani”, mashandiro anonzi akaipa aiitwa pasowe iri anosanganisira kurambidzwa kwevana kuenda kuzvikoro, kusaona maTV kwevatendi pamwe nekusaterera maredhiyo, kusarara pamibhedha nekushandisa nharembozha.

Zvakadaro, muporofita uyu, achitaura mudare, anoti aisaziva kuti mapurisa aimutsvaga uyewo ndokuti musi wakarohwa vanhu pasowe rake aisavapo.

Akati chechi yake haishandise nharembozha, kuterera redhiyo kana kuverenga mapepanhau izvo zvakaita kuti asazive kuti aitsvagwa nemapurisa.

Vamwe vanamati vechechi iyi 11, avo vakasungwa pakaparwa mhosva iyi, vakatopihwa zvirango zvavo zvekugara mujeri kwemakore mana pamumwe mushure mekubatwa nemhosva yekuita mhirizhonga.

Madzibaba Ishmael ari kumirirwa mudare iri negweta rake Shepherd Mushonga rekambani yeMushonga Mutsvairo and Associates uye ari kumira pamberi pemutongi Milton Serima, muchuchisi ari Sebastian Mutizirwa.

Chikumbiro chaMadzibaba Ishmael chebhero chakarambwa nedare reHigh Court zvinoreva kuti achatongwa achibva muchizarira.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×