‘Pane chivanhu chiripo’

MUKURU wesangano rinomirira machechi echipositori, reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), Archbishop Johannes Ndanga, vanoti murume wekunzi akaponda mudzimai wekuSanyati, uyo anonzi akazodya nyama yechitunha chacho nekunwa ropa, akamboenda kuchechi kwavo nemhuri yake vachida kuti abatsirwe.

Izvi zvinotevera nyaya yaAnywhere Thembo (27) wekuGokwe, uyo anonzi akaponda Mai Annah Masunda.

Arch Bishop Ndanga vanoti Anyhwhere akamboenda kuchechi kwavo nevamwe vemumhuri yake vachida kuti abatsirwe uye vakange vati vaizodzoka izvo vasina kuzoita.

“Ini ndakamirira chechi yangu yePentecoastal Church of Christ International (PCCI), vanhu vemumhuri yemurume uyu ava vakauya naye kuchechi kwangu tikatombomunamatira zvikamboita zvakanaka. Asi zvakazodzoka zvakare sezvo aiva munhu ane pfari uyewo aiita seopenga,” vanodaro.

Vanoti vehukama vanoratidza kuti vane zvavanoziva panyaya yemwana wavo.

“Pane mishonga inofanirwa kunge yakabatwa mumusha memurume uyu vanhu vachida kutsvaga kurarama zvikazopanduka zvichibata pamwana uyu.

“Dambudziko iri raitika, takanga tavati vazodzoka asi vakazotadza kusvikira Anywhere akazonoponda. Yatova ngozi mumusha uyu,” vanodaro Arch Bishop Ndanga. Zvakadaro, nyanzvi munyaya dzechivanhu, VaJonathan Shonhiwa vekuChiredzi, vanoti nyaya iyi inogona kuve nechekuita nemabasa eSatanism kana kuti ngozi.

“Murume uyu anogona kunge aiva abatwa neshavi rehuroyi risina kutsigiswa, kana kuti iwo mabasa eSatanism. Zvichida mumusha memhuri iyi mune ngozi iri kutsvaga kuripwa, yabva yawedzerawo imwe ngozi,” vanodaro.

Vanoti mhuri yaMai Masunda inofanira kufamba zvakasimba nekuti “nhunzi haimharewo pasina chironda”.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kuna amai vakapondwa ava kune zvinodawo kutariswa sezvo zvisingafanirwe kungoitika zvakadaro pasina chikonzero.”

Vanozoti kufawo kwakaita Anywhere zvinogona kureva kuti ngozi yaMai Masunda yakatopfuka kare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *