Panhabvu Zim haina kuchipa: Khune

Abel Ndooka

AIMBOVE mubati wepagedhi weSouth Africa – Itumeleng Khune – anoti maWarriors eZimbabwe haana kuchipa panyaya yekutamba nhabvu uye mashoko aya ari kuuya panguva iyo zvikwata zviviri izvi zvichasangana kumutambo weAfrica Cup of Nations uyo uri kutambirwa kuMorocco.

MaWarriors neBafana Bafana yeSouth Africa zviri muboka rimwechete muGroup B kuAFCON umo mune zvimwe zvikwata zvinoti Angola neEgypt.

Zvichitevera kuhwina kwakaita South Africa mutambo wayo wekutanga musi weMuvhuro apo yakakunda Angola 2-1, Khune, uyo akatambira Bafana Bafana ka91 ndokumbotungamira chikwata ichi ari kaputeni, anoti Bafana Bafana inofanirwa kuhwina mitambo yayo miviri yekutanga neAngola uye neEgypt nekuti painozosangana neZimbabwe mutambo wacho unenge wakaomarara zvikuru.

Achitaura paSABC 2 Sports, Khune anoti: “Muboka redu, mutambo wandinototya ndeweZimbabwe nekuti Zimbabwe haina kuchipa.

“Pese patinosangana neZimbabwe inotiomesera zvikuru, saka tinofanira kuwana zvibodzwa zvitanhatu pamitambo yedu miviri yekutanga kuitira kuti patinozosangana neZimbabwe tinenge tapedza basa.

“Zimbabwe inoziva matambiro edu, uye muligi redu tine vatambi vakawanda vanobva kuZimbabwe. Saka vanototiziva uye mutambo wedu neZimbabwe iderby, nekudaro tinotofanira kutokunya dzisimbe patichasangana navo,” anodaro Khune.

Mumutambo wekutanga kuAFCON, maWarriors akakundwa 2-1 neEgypt musi weMuvhuro svondo rino.

Mumutambo wavo wechipiri, achasangana neAngola musi weChishanu svondo rino uye ozosangana neBafana Bafana svondo rinotevera musi weMuvhuro.

Nerimwewo divi, Bafana Bafana ichasangana nemaPharoah eEgypt musi weChishanu chino.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *