pe yakahwapura mukombe

Abel Ndooka
CHIKORO chePrince Edward ndicho chakahwapura mukombe wemakwikwi eDairyboard Rugby Schools Festival ayo akaitirwa muHarare svondo rapera.

Prince Edward yakakunda Churchill Boys 16-10 mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira.

Tawanda Jimu – uyo anove Dairyboard Rugby Schools Festival Tournament director – anoti makwikwi aya akakosha sezvo vachiashandisa kutsvaga nyanzvi dzemangwana dzichazomirira nyika pamwe nezvikwata zvikuru zvemutambo uyu.

Anoti makwishu egore rino akarakidza kuti mutambo werugby wakura zvikuru uye uri kutambwa muzvikoro, vachitarisa zvikwata zvakawanda zvakauya kuzokwikwidza zvevakomana nevasikana.

“Tichiongorora zvikwata zvese zvakauya, takazviona kuti mutambo uyu uri kuramba uchikura uye uchisimudzira vatambi pamwe nezvikwata zvakawanda.

“Zvimwe zvikwata zvaizviona sezvikuru iye zvino zvave kuzviona zvega kuti hazvingohwine dambe nekuti zvimwe zvekumamisha chaizvo zvaitozvikunda zvichitamba rugby yepamusoro, inonwisa mvura,” anodaro Jimu.

Anoenderera mberi achiti mutambo uyu uripo pakupa mukana kuvatambi verugby kubva kuzvikoro zvakasiyana kuti vagosimukire kusvika padanho rave naTendai “The Beast” Mtawarira uyo anotambira maSpringboks eSouth Africa.

“Chishuvo chedu kuti titsvage mumwe Beast kuburikidza nemutambo uyu ndiko saka uchiitwa gore negore kuti vatambi ava vawane mukana wekusvika kure.

“Tinoziva kuti kuburikidza nemutambo uyu ndipo vamwe vatambi vanoonekwa nezvikwata zvakasiyana izvo zvinozovapa mukana wekuzvitambira,” anodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *