Petr Cech akasangana nenhengo dzeChelsea

MUBATI wepagedhi, Petr Cech, akasangana nenhengo dzeChelsea musi weMugovera vakakurukura pamusoro peramangwana rake apo akavazivisa kuti anoda kubva kuchikwata ichi.

Cech anoda kuenda kuArsenal asi shasha dzePremier League idzi hadzisi kuda kumusiya achienda kana dzisiri kuwana mumwe mutambi kubvawo kuArsenal.

PSG inonzi iri kumudawo uye Chelsea inoda kumutengesa kuchikwata chekuFrance ichi nemari ingasvike 11 miriyoni paunzi. Cech, uyo agara kuChelsea kwemakore anopfuura 11, asarirwa negore rimwe chete pakondirakiti yake uye anoda kuramba achigara muLondon umo mune mhuri yake.

Mutambi uyu akadzoka kuLondon akasangana neChelsea pamwe nevamiriri vake mushure mekutambira Czech Republic apo yakakundwa 2-1 neIceland mumutambo weEuropean Qualifier.

Cech akapedza mwaka wadarika akagara pabhenji ari kumashure kwaThibaut Courtois uye akangotamba ka7 chete muPremier League – ako kaive kekutanga kusave nhamba 1 kuStamford Bridge.

Akahwina mukombe wePremier League kana neChelsea uye akatambira chikwata ichi ka500 kubva zvaakatengwa kuRennes nemari inosvika 7 miriyoni paunzi mugore ra2004.

Matambiro ake akabatsira Chelsea kuhwina mukombe weligi mugore rekutanga Jose Mourinho achirairidza chikwata ichi.

Vakahwina mukombe weligi zvakare gore raitevera asi Cech akambomira kutamba nhabvu kwemwedzi mitatu mumwaka we2006-07 apo paakakuvara musoro wake vachitamba neReading.

Cech haachakanganwe chiitiko ichi chakamukuvadza izvo zvave kumutuma kuti atambe nhabvu akazvidzivirira musoro wake kuitira kuti zvisazoitika zvakare. — Sky Sports News.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×