Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa

MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona hudzamu hwemhosva iyi.

Nyaya iyi yakatanga yapinzwa mudare raMambo Mutasa naAllen Nyakawa muzukuru waMbuya Diana Nyakawa Gwenzi vanove amai vaNgonidzashe Gwenzi uyo ari kupomerwa kushungurudza vaviri ava.

Nyakawa akaudza dare kuti mhuri iyi yakasvika pakupererwa apo vaitsvaga nzira dzekugadzirisa nyaya iyi murunyararo.

Akapomera mwana wavatete vake, Ngonidzashe, uyo akaroora, kushungurudza amai vake kuburikidza nekuunganidza veruzhinji, n’anga nemaporofita achivapumha huroyi.

“Vatete vangu vari kushungurudzwa nevana vavo, zvikuru sei Ngonidzashe uyo anouya nen’anga nemaporofita dzichivapomera huroyi,” anodaro Nyakawa.

Dare rakanzwa kuti kunetsana uku kwakatanga muna2019 apo Ngonidzashe akadonha zvisina kunzwisisika pamudhudhudhu akaita maronda makuru pagumbo rake izvo zvakaita kuti azopihwa mubhedha muchipatara nekuvhiiwa zvakare.

Achitaura mudare, Ngonidzashe anoti chiitiko ichi chakaita kuti asvike pakutsvaka rubatsiro kune vanoita zvemweya.

“Ndakadonha ndisina kana kudhakwa pamudhudhudhu uye zvakaitika nenzira inoshamisa apo ndakanzwa kunge pane chinhu chandirova kumeso. Ndakadonha ndikatadza kuziva zvandakanga ndiri kuita. Mudzimai wangu akafungidzira kuti ndainge ndakadhakwa,” anodaro.

Mushure mechiitiko ichi, Ngonidzashe anoti akaenda kumaporofita nen’anga vanova vakamutaurira kuti munhu ainge ari kukonzera kurwara kwake neronda repagumbo ndiye aizotanga kumushanyira.

“Amai vangu ndivo vakava munhu wekutanga kundishanyira ndicho chikonzero neyi ndiri kuvapomera mhosva yehuroyi,” anodaro.

Ngonidzashe anoti ronda rake harina kupora nekukasika zvekuti vachiremba vakasvika pachidanho chekucheka dzimwe nyama dzaive paronda iroro.

“Panguva ino vanin’ina vangu ndivo vari kuenda kun’anga kunobvunzira,” anodaro.

Zvisinei, amai vake vakaramba zvose zvaaitaura vachiti hazvina maturo.

Vanoti vakarera Ngonidzashe kusvika akura vaine chido chekuti ararame upenyu huri nani nokudaro havaoni chikonzero neyi vange vachimuroya.

Mbuya Nyakawa Gwenzi vanoti vakafirwa nemurume asi vakashinga seshirikadzi kuriritira Ngonidzashe sezvo akasiiwa achiri mudiki.

“Murume wangu akashaya mwana wangu Ngonidzashe achiri mudiki, ndakamuchengeta kusvika ava murume mukuru sezvaave nhasi uno. Iko zvino aroora ava kuuya nemudzimai wake vachindituka vakandibatira mabakatwa nemapanga,” vanodaro Mbuya Nyakawa Gwenzi.

Vanoti Ngonidzashe anouya kumba kwavo nevemachechi apo vanogariswa parukukwe rwetsanga vachivapomera mhosva yehuroyi.

“Anouya nevekuchechi kwake vachindimanikidza kugara pamusoro peduri uye vamwe vana vangu vese vakange vava kutoita zvimwechete zvekundipomera huroyi. Iko zvino vakazodzidza kuti vainyeperwa nemaporofita nen’anga idzi nekudaro vava kuda kuuya kuchikumbira ruregerero asi hazvisi nyore,” vanodaro vachiratidza kurwadziwa zvikuru.

Mbuya Nyakawa Gwenzi vanoti vanoda kuripwa nevana vavo pakusvibiswa kwavakaitwa zita ravo nekudzikisirwa chimiro apo vakavapomera mhosva yehuroyi.

“Ndiri kuda kuripwa asi dambudziko nderekuti Ngoni ari kuramba achinditi ndiri muroyi achivimbisa kundibaya nebanga. Ngoni ari kurwisana nevamwe vanin’ina vake vanova vaimbomutsigira,” vanodaro.

“Mudzimai wake ari kunditi ndini ndakaita kuti arasikirwe nepamuviri katatu kese uye akatombosungwa mushure mekunge arwisana nemadzikoma ake. Ini ndakatombotsvaga magwaro erunyararo kubva kwaari.”

Hanzvadzi yaNgonidzashe, Lindiwe Gwenzi, anotsinhira zvaitaurwa naamai vavo achiti n’anga nemaporofita vese vavakashanyira vakavayambira kuti vakumbire ruregerero kuna amai vavo.

Lindiwe anopomerawo Ngonidzashe kuita zvemhirizhonga mushure mekunge anwa doro.

Anoti akapona neburi retsono apo Ngonidzashe aida kumubaya nebanga mushure mekunge vanetsana semhuri.

Mambo Mutasa vakataridza kushushikana zvakanyanya nekuda kwemhirizhonga inonzi iri kuitwa naNgonidzashe mumhuri mavo ndokupfuudza nyaya iyi kumapurisa vachiti kubaya munhu nebanga imhosva yakadzama.

Related Posts

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Mbudzi 20 dzaive dzabiwa dzawanikwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vakazivisa nezvekuwanikwa kwembudzi makumi maviri idzo dzaiva dzabiwa kuChiredzi, kuMasvingo uye nekuzosungwa kwegororo racho. Assistant Inspector Masauso Patinyu vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×