Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti

SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura.

Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari avo vakamurwira panguva yehurwere uhu.

Muimbi uyu, uyo ane zita rake chairo anonzi Tawanda Mumanyi, anodzora ndangariro nekuda kwenguva yakaoma yaakasangana nayo gore rapfuura.

“Nhasi ndadzoka kuzotora mufananidzo uyu sechiyeuchidzo, ndichiri pano, ndapora, uye ndinotenda,” anodaro.

Seh Calaz anoyeuka zviitiko zvinorwadza zvaakasangana nazvo panguva yekurwara kwake, zvinosanganisira kudzikira uremu uye apo hurwere hwake hwakange hwakomba.

“Ndakaenda kumariro evanhu vandaifunga kuti vaizondiviga,” anodaro.

Muimbi uyu anoti chiitiko ichi chasandura maonero ake pamusoro pehupenyu uye chakasimbisa kutenda kwake.

Sekureva kwaSeh Calaz, paive nenguva dzaakanzwa sekunge rwendo rwake rwehupenyu rwave kusvika kumagumo, asi anotenda kuti kupindira kwaMwari kwakamupa mumwe mukana wekuenderera mberi nekurarama nekutevera zviroto zvake.

“Kubva mukurwara, kuonda uye kudzikira, Mwari vakati, ‘Aiwa, haisati yasvika nguva yako, dzokera undopedzisa zvandakatuma,”’ anodaro.

Chirevo ichi chinopindirana nemuono wevateveri vake vazhinji avo vanoziva nezverwendo rwafambwa nemuimbi uyu kubva mumakore apfuura.

Seh Calaz anoonekwa semumwe wevaimbi veZim-dancehall vane mukurumbira muZimbabwe, kusanganisira nematambiro ake ane simba uye kutaura zvaanofunga pasina kutya.

Mashoko ake aya anoratidzawo basa guru rakaitwa nevanhu vakamira naye vachimutsigira panguva yekurwara kwake.

Muimbi uyu anoti anotenda zvakanyanya shamwari pamwechete nevemumhuri make avo vakamubatsira neminato nerwumwe rutsigiro rwakasiyana-siyana apo aipora mukurwara kwaakaita.

“Akavhara kasiketi (casket) yangu uye akandidzora.” anodaro Seh Calaz.

“Rudo rukuru kune vateveri vangu, shamwari uye mhuri, neminamato yavo iyo yakandisimudzira.”

Kune vakawanda vari muindasitiri yezvemimhanzi, kupora kwemuimbi uyu mucherechedzo wenyaya yakasimba yekutsungirira.

Mashoko aSeh Calaz anoratidza kuti parizvino akatarisana nekuenderera mberi uye nekushandisa zvakanyanya mumwe mukana waanotenda kuti akapihwa naMwari.

“Izvi hazvisi ini chete . . . ndiko kupona. Ndadzoka,” anodaro.

Chirevo ichi chinoratidza kudzora ndangariro zvakanyanya kwaSeh Calaz nekuda kwezvange zvichitika kwaari makore mashoma adarika.

Chiratidzo zvakare chematambudziko akavanzika aakatarisana nawo.

Kunyangwe zvazvo ‘hondo’ pamusoro peutano hwemuimbi uyu yakataridza kusimba kwemuviri vake uye nemufungo wake, mashoko ake anotaridza kuti zvaakasangana nazvo izvi zvamuvandudza, ave nekutenda kukuru uye maonero matsva maringe nehupenyu.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×