‘Pfari haitapuriranwe, musasarure varwere’

SANGANO reEpilepsy Support Foundation Zimbabwe (ESFZ) riri kukurudzira veruzhinji kuti vasasarure varwere vepfari uye kuti vanhu ava vatsigirwe munyaya dzekusimudzira utano hwavo.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa muguta reHarare neChipiri svondo rino, Mai Rutendo Gwatiringa, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano iri, vakati chirwere ichi chinokonzerwa nekukanganisika kunoitika mupfungwa uko kunozoita kuti dzimwe nhengo dzemuviri dzipedzisire dzisisashande zvakanaka.

“Zvakakosha kuti veruzhinji vasasarure varwere vepfari. Chirwere ichi chinotangira mupfungwa apo munhu anoita zviratidzo zvakaita sekutadza kuona zvakanaka, kugwinha-gwinha kwemuviri, kudaidzira nezvimwe.

‘‘Kana murwere akakasika kuendeswa kuchipatara anorapwa achipora uye chirwere ichi hachitapuriranwe,” vakadaro.

Vanoti chikamu che60 percent chevana vari kutambudzwa nechirwere chepfari uye 25 percent bedzi yevanhu vane chirwere ichi ndivo vari kuwana rubatsiro rwekurapwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Dr Sydney Mukonoweshuro, avo vanova chiremba anoona nezvevarwere verudzi urwu (psychologist), vanoti pfari inobata murwere asingazive zvinenge zvichiitika kwaari.

“Varwere vepfari vazhinji vanowirwa netsaona dzekutsva, kutsikwa nemotokari kana kunyura mumvura nekuti zvinongotanga vasingafungire. Dzimwe dzenguva vanotozvirasira mvura panguva imwe chete iyi.

“Tinoda kuti vanhu vari munharaunda vabvise mweya werusarura apo vanopomerana nyaya dzehuroyi kana zvikwambo nekuti chirwere ichi chinorapika uye varwere ava vakasiyana nevepfungwa zvisinei nekuti muzvipatara vanorapwa vari mumipanda mimwe chete sezvo zvirwere izvi zviine kakudyidzana mukati,” vakadaro.

VaTaurai Kadzviti, vanove murongi kuESFZ, vanotiwo vakamborwara nepfari vari mudiki asi vakakasika kurapwa vakapora.

“Ini ndiri mumwe wevanhu vakamborwara nepfari zvekuti kutaura kudai ndingadai ndakarasikirwa neupenyu nekuti dzimwe dzenguva yaindibata ndichigeza ndozomuka pave paye. Nguva nenguva ndaizongoerekana ndave pane imwe nzvimbo yandisingazive asi ndinotenda Mwari ndave nemhuri yangu, ndave neutano,” vakadaro.

Zvakadai, sangano reESFZ riri kupemberera kusvitsa kwaro makore 25 richishanda zviri pamutemo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×