Pfupiso yaManyambiri

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi kubva patakasiira svondo rakapfuura.

Paida naPaido vanokura vari vana vakanga vakafanana zvikuru zvekuti aivaona aikwanisa chete kuvaziva kuburikidza nezvifumuro zvavakanga vakaiswa muhuro nemumakumbo izvo zvaiita kuti vanhu vazoziva kuti Paida kana Paido ndeupi.

Chinhu chimwe chete chaisiyanisa vana ava aive maitiro avo. Paida akanga ari musikana ane nungo dzaisemesa zvekuti chero amai vake vaigara vachigunun’una nezvake. Zvakare musikana akanga aine mwoyo wakaipa.

Paido akanga ari musikana aishanda nesimba, aive netsika dzaiyemurika kune veruzhinji. Izvi ndizvo zvakazoita kuti mwana waMambo Njeremavhu uyo ainzi, nduramo agone kusarudza Paido achisiya Paida.

Sarudzo yakaitwa nanduramo yaive yakaoma nekuti aifanira kusarudza musikana mumwe chete kubva pavaviri ava. Hazvaiita kuti atore vese.

Nokudaro izvi hazvina kufadza Paida sezvo achizoonekwa ave kuita shanje yokuda kuuraya mhuri youmambo kuburikidza nekuvaisira muchetura muchikafu.

Zvese zvaiitika murungano urwu zvinoratidza kuti munyori akarwubika achiziva kuti zvimwe zviitiko zviri murongetedzo yake zvinofanira kufambidzana nemazita aanopa vatambi. Pane mamwe mazita ekuti ukanyatsomatarisisa unoona kuti anoenderana zvikuru nenyaya kuti geje geje. Pamwe pacho zita remutambi rinenge richidudzirwa nezviito zvake, unhu hwake kana zviito zvevamwe vatambi. Mamwe emazita anoburitsa zvataurwa apa ndeaya; Ndakasemwa, Rufuse, Paidamoyo, Paidokwairiramoyo, Nduramo, Ngwaru, Nyadziso, Shayamano, Nhumwa nemamwewo. Ongororo yebhuku Manyambiri inoratidza kuti mune vatambi vadiki vakawanda sezvo tichiona vamwe vatambi vachingobuda kamwe chete kana kaviri vachibva vatsakatika. Vamwe vevatambi ava ndivanaBhavheya.

Rungano rwuno rwunosvika kumagumo zvinosiya muverengi achida kunzwisisa dzimwe nyaya dzakawanda-wanda asi dzinoita sekunge dzadimurirwa panzira apo tinoona Nduramo nemudzimai wake Paido vadzokerana asi tisina kuziva kuti Mambo Njerevavhu anozorarama kusvika papi.

Kufamba kwenyaya kunobva pakuti Njeremavhu anenge akwegura zvekuti anoshuvira kuona nevanji wake achiroora uye achiitawo mwanakomana zvinove zvaizomupa chivimbo chete dzinza rake kana kuti imba yake yeumambo hayaizoparara zvachose.

Ino ingori pfupiso chete yakanangana nekuti munge muchikwanisa kunzwisisa zvimwe zvinhu zviri mubhuku asi tichizvinyora nepadiki.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *