Dynamos, Harare City zvotatsurana

KUCHATSVA demo kuchisara mupinyi svondo rino kunhandare yeRufaro Stadium muHarare apo Dynamos FC ichasangana neHarare City mumutambo weCastle Lager Premiership.

Gore rino vatsigiri venhabvu vazhinji vange vachitarisira kuti zvikwata zviviri izvi ndizvo zvichatanga ligi zvichipisa sezvo zvirizvo zvakapedza mwaka wadarika zvichifemerana mugotsi asi hazvina kutanga zvakanaka mitambo yazvo.

Sunshine City boys sekuzivikanwa kunoitwa Harare City parizvino yakundwa mitambo yayo mitatu yese uye ndiyo yakasenga ligi isina kana chibodzwa chainacho.

Kozoti kune rimwe divi, DeMbare pamutambo yayo mitatu yayatamba yakwanisa kuhwina miviri ichikundwawo mumwe chete.

Harare City yakakundwa 3-0 neChicken Inn mumutambo wayo wekutanga, ikazokundwa zvekare 2-1 neCAPS United uye svondo radarika yakakundwa 1-0 neZPC Kariba.

Dynamos neHarare City zvinoziva kuti svondo rino zvinofanirwa kurwa semvumba.

Murairidzi weSunshine City boys, Bigboy Mawiwi, anoti chikwata chake chiri kuda rutsigiro rwakanyanya kubva kuvaridzi vacho pamwe nevatsigiri kuti zvichibatsire mukusimukira mumitambo yacho.

Mawiwi anoti mutambo wechikwata chake neDeMbare uchange wakaomarara zvikuru asi achautora semimwe mitambo yaanogara achitamba uye achange akangwarira kuti vakwanise kuhwina.

“Mutambo uchiripo, zvingori zvibodzwa zvipfumbamwe chete zvatarasikirwa nazvo asi tinoziva kuti tinotevera manje- manje.

“Haisati yasvika nguva yekugeda-geda kwemeno kuti pamwe zvinhu zvatiomera kwete!

“Tiri kutevera zvinhu hazvisi kungotifambira parizvino nekuti tine vatambi vakawanda vakakuvara vakakosha muchikwata chedu asi vari kudzoka manje-manje sezvo vari kuongororwa nanachiremba.

“Tingori nezvishoma zvatinoda kugadzirisa asi tinoziva kuti kana tikakwanisa kukunda DeMbare svondo rino tinobva tasimukira,” akadaro Mawiwi.

Zvakadaro nekune rimwe divi murairidzi weDeMbare, Callisto Pasuwa anoti chikwata chake chinofanira kushanda nesimba kuti chihwinhe mumitambo yacho.

Mune imwe mitambo iriko svondo rino, chichange chakabvondoka kuBabourfields kuBulawayo uko Highlanders ichange ichisangana neHwange FC.

Zvikwata zviviri izvi parizvino ndizvo zviri kutungamira mitambo yeligi uye chichahwina svondo rino ndicho chinobva chaenda pamusoro peligi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×