President Sata vakashaya

VANHU venyika yeZambia nevepasi rose vakafuma vachichema nemusi weChitatu svondo rino mushure mekutambira mashoko okuti mutungamiriri wenyika iyi, President Michael Sata (77), (vari pamufananidzo) vainge vashaya neChipiri chino kuLondon, kuUnited Kingdom uko vakange vanorapwa.

Chirwere chakange chaenda kunorapwa President Sata hachina kunge chaziviswa.

Kusvika pakunodhindwa kwebepanhau rino zvakange zvisati zvave kuzivikanwa kuti achatora chigaro chavo ndiani.

Munyori mudare reCabinet yeHurumende yekuZambia, VaRonald Msiska, ndivo vakazivisa nezverufu urwu. Rufu rwaPresident Sata, avo vaizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “King Cobra”, rwauya mazuva mashoma Zambia ichangobva kupemberera makore 50 ekuwana kuzvitonga kuzere kubva kuhutongi hweBritain. Apo vakange vaenda kunze kwenyika kunorapwa, gurukota rinoona nezvekudzivirwa kwenyika yeZambia, VaEdgar Lungu, ndivo vaive vakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika.

President Sata vakasarudzwa kutungamirira Zambia munaGunyana 2011 mushure mekukunda VaRupiah Banda.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×