Psmas pfee neShield Plan

SANGANO rePremier Service Medical Aid Society (PSMAS) raparura chirongwa chakareruka pamutengo asi chichisiya vanhu vachinyemwerera nemufaro. Chichidaidzwa kuti Shield Plan, chirongwa ichi chine mitengo yekurapwa iri pasi nedonzvo rekubatsira vanhu vanoshanda vakazvimiririra.

Izvi zvinotevera makore akawanda PSMAS ichiita ongororo, ndokuona zvakakosha kuti itange chirongwa ichi.

Zvisati zvakamboitwa, Shield Plan inoita kuti munhu abhadhare $10 chete chete pamwedzi asi achizowana rubatsiro rwunomugutsa. Kuva nhengo yeShield Plan zvakanakira kuti unokwanisa kuwana rubatsiro rwekurapwa rwunokosha $3 000 pagore, izvo zvisingaitwe nyore kana wakatarisa mari inobhadharwa nemunhu.

Shield Plan inowanisa nhengo zvinotevera:

◆ Kuona chiremba

◆ Nyanzvi dzinorapa

◆ Kupihwa mubhedha

◆ Kuitiswa mitambo inosimbisa muviri

◆ Kunyorerwa mishonga

◆ Kurapwa mazino

◆ Kuvhenekwa nemichina (refraction)

◆ Kurapwa maziso

◆ Kusunungutswa pamuviri

◆ Kutorwa maX-ray

◆ Kubatsirwa pahurwere hwepfungwa (psychiatric service)

◆ Kuwanisa maamburenzi anotakura varwere

nezvimwe zvakawanda.

PSMAS inoterera nhuna dzenhengo dzayo, naizvozvo iripo kugutsa zvido zvevanhu uye kuvandudza mashandiro ayo.

PSMAS yatora nguva refu ichiteerera zvinodiwa nenhengo dzayo nekudaro yave kuita zvido zveruzhinji kuti vabatsirikane.

Chinangwa ndechekuti PSMAS idzokere pakuva nehwaro hwakasimba uye husingagede-gede zvichibva pamushandirapamwe, kutaurirana, kuzvipira nekuvimbika

PSMAS ichave nevanhu vayo mumigwagwa yemuHarare uye ichaparurazve FlexiHealth, chinova chikamu cheShield Plan, pamwe chete nePremier Lifestyle wellness programme.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *