Punk odzoka munhandare

AIMBOVE mutambi weWWE, CM Punk (39), akazivisa kuti achakwikwidza zvakare mumutambo weUFC kechipiri gore rino.

Mutambi uyu – uyo anonzi Phil Brooks zita rake rekuberekwa – akarega kuita zvewrestling kuti agokwikwidza muUFC mugore ra2014 asi akanyadziswa zvikuru mumutambo wake wekutanga apo akakundwa naMickey Gall mugore ra2016.

Kukundwa kwaakaitwa ndiko kwakatuma vanoshoropodza vazhinji kuti vabvunze kuti sei UFC yakazosayina mutambi uyu zvakare uyo asina ruzivo rwemixed martial arts.

Asi mapuromota emutambo uyu vakazvipira kupa Punk mumwe mukana apo pachadzoka mutambo uyu muna Chikumi kwaanogara kuChicago kumutambo weUFC 225.

UFC haisati yazivisa kuti Punk achadzoka zveshuwa here mumutambo uyu asi mutungamiri wayo Dana White anotsinhira kuti ane tarisiro yekumupa mumwe mukana.

“Ndinofarira muchinda uyu, munhu akanaka manje,” White akadaro. “Ave kuda mumwe mukana. Ave kuda kukwikwidza zvakare saka ini ndichamutendera kuti agokwikwidze.

“Akasiyana zvikuru nevamwe vatambi saka ndiri kuzomupa mumwe mukana.”

Mutambi achasangana naPunk haasati azivikanwa asi ari kutarisirwa zvikuru ndiMike Jackson uyo akangotamba mutambo mumwe chete akauhwina. Chizvarwa chekuAmerica ichi chakaramba chichingoita gadziriro dzacho kubva paakakundwa mumutambo wake wekutanga uye varairidzi vake nevamwe vatambi vaanotamba navo vanotarisira zvikuru kuti mutambo wake wechipiri unotevera uchange uchanakidza kudarika wekutanga. – SportsMail UFC

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *