Regai huwori: Chidyausiku

CHIEF Justice Godfrey Chidyausiku vanoti vakuru vematunhu vakaita semadzishe, masadunhu, makanzura nevakuru vezvikoro vari kuita katsika kekuba mari ine chekuita nebudiriro yenyika vanofanira kusiyana nekatsika aka.Vakataura mashoko aya neMuvhuro svondo rino apo vaivhura zviri pamutemo dare idzva reGoromonzi Magistrate’s Court iro rine zvivakwa zvemhando yepamusoro-soro.

“Ndiri kuda kutaura nenhau yemakanzura, madzishe, masadunhu nevakuru vezvikoro vari kuita katsika kekuba mari dzebudiriro yenyika, katsika aka ngakapere,” vanodaro.

Vanoti avo vanobatwa nemhosva dzakadai vacharangwa zvakaomarara nemutemo. Chief Justice Chidyausiku vanoti zuva rekuparurwa kwedare iri rakakosha zvikuru kuJudicial Services Commission (JSC) mukusimudzira dunhu reMashonaland East.

“Iri rave dare rechigumi netatu pane mamwe atakavaka mumatunhu akasiyana enyika mukati memakore maviri. Ndinofara kuparura chirongwa chino chinova chaitwa mudunhu randakaberekerwa panguva zvakare iyo ndave kutarisira kuenda pamudyandigere.”

Chief Justice Chidyausiku vanoti vanofara kuti havana kuripiswa nemadzishe edunhu iri mukuvaka kwavakaita dare iri.

“Ndiri kufadzwa nekuti hatina kuripiswa nekuti kune dzimwe nzvimbo dzakadai sekwaMurambinda takaripiswa asi isu tichiunzira vanhu zvirongwa zvebudiriro munzvimbo mavo. Tinofara zvakare nemushandirapamwe uri pakati pedu neRoyal Danish Embassy mukutsigira kwavari kuita zvirongwa zveJSC nekuti tisina ivo, tingadai tisina kubudirira,” vanodaro.

KwaMurambinda, JSC yakaripiswa mushure mekunge yavakisa dare reMurambinda Magistrate’s Court isina kuzivisa madzishe eko.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Charge D’Affaires weRoyal Danish Embassy, Mai Signe Winding Albjerg, vanoti mabhindauko ekuvaka matare edzimhosva akavepo kuburikidza neshungu dzavo dzekusimudzira nyaya dzemitemo muZimbabwe.

Ishe Chikwaka vedunhu iri vakatambira chirongwa ichi nemawoko maviri vachiti chichabatsira mukurerutsira matare avo emadzishe pamitoro yekutonga mhosva.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *