Roosevelt yakazviita: Zvikoro ngazvitsvage dzimwe nzira dzemagetsi: Dr Sibanda

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kuva nehutsanzi hwekutsvaga dzimwe nzira dzekuti zviwane simba remagetsi zviri nyore sekushandisa biogas zvichitevera kuenda-enda kunogara kuchiita magetsi munyika.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemunyori mukuru kumahofisi emutungamiri wenyika, Secretary to the President and Cabinet, Dr Misheck Sibanda paRoosevelt Girls High, muHarare apo vakuru-vakuru veHurumende vakange vanoona muchina webiogas wakavakirwa chikoro ichi neveRural Electrification Agency (REA).

Dr Sibanda vakati gwara rakatorwa neRoosevelt Girls High rakanaka uye rinozadzikisa zvishuwo zvechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Vakati zvimwe zvikoro nemakambani zvinofanira kutevedzera mucherechedzo wakanaka wakapihwa neRoosevelt Girls High.

“Iri igwara rakanaka ramakatora uye ndinoda kukurudzira zvimwe zvikoro nemakambani anoshandisa magetsi akawanda kuti vasadhurirwe, ngavavakirwewo muchina webiogas uyo unopa magetsi akachipa zvikuru. Udzaiwo vamwe nezvekunaka kwemuchina uyu,” vakadaro Dr Sibanda.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wechikoro cheRoosevelt Girls High, Mai Mary Machumi, vakati upenyu hwevana pamwe nevashandi vepachikoro chavo hwakarerutswa zvakanyanya nekuvakwa kwakaitwa muchina uyu.

Vakati kare vashandi vanoita basa rekubika pachikoro ichi vaimbomuka mashambanzou kuti vabikire vana vebhodhingi nekuda kwekuenda-enda kwemagetsi asi dambudziko iri rakapera nekuda kwemuchina webiogas uyu.

“Vashandi vemukicheni havachaomerwa nekuti vaimbomuka na3am kuti vagadzire zvekudya zvevana asi iko zvino vanomuka na5:30 am, vana vanowana kudya nguva ichiripo.

“Hutsanana tiri kuchengetedza zvikuru sezvo tsvina yose inongonokandwa mu’digester’ ndiyo inogadzira gasi ratiri kushandisa pakubika kana kuita mwenje. Takaitirwa zvakanaka nemuchina uyu,” vakadaro Mai Machumi.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Aidah Charuma, avo vanoita basa rekubika pachikoro ichi, vachiti upenyu pamwe nebasa ravo zvave kuendeka.

Pari zvino zvikoro zvinodarika 40 munyika yose zvinonzi zviri mubishi rekuvakirwa michina yebiogas neveREA.

Vamwe vakuru-vakuru veHurumende vaive pachiitiko ichi vanosanganisira munyori mukuru kubazi remitambo, tsika nemagariro, Dr Thokozile Chitepo.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×