Sabhuku akapisirwa musha

Samantha Zengeni

SABHUKU wekuChipinge akasara asisina pekugara zvichitevera kupiswa kwakaitwa dzimba dzake mbiri nemumwe mugari wemumusha make uyo ari kugunun’una achiti mukuru uyu anomutyisidzira achiti anoda kumuroya uye kumudzinga pamusha pake.

Izvi zvakabuda apo Joseph Kuwayani (43) wekwaSabhuku Mutowe, kwaMambo Musikavanhu, akamiswa mudare reChipinge Magistrates Court pamberi pamutongi Joshua Nembaware achitongerwa mhosva yekuparadza midziyo inokosha $5 000 nekuipisa.

Kuwayani akabatwa nemhosva iyo yaanobvuma ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi 20.

Kuwayani anoudza dare kuti hasha ndidzo dzakamutuma kupisa dzimba dzasabhuku uyu mushure mekunge amuvhundutsira achiti anoda kumuroya uye kumudzinga mumusha.

“Ndinokumbira ruregerero nezvandakaita. Ndakatsamwiswa nasabhuku uyo ainge andityisidzira kuti anoda kundiroya uye kundidzinga mumusha mandinogara. Ndinokumbira mundinzwirewo ngoni,” anodaro Kuwayani.

Mutongi Nembaware akamutemera chirango chekugara mujeri kwemwedzi 20 ndokuzomubvisira mwedzi mishanu pachirango ichi paine chitsiidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Mimwe mwedzi mishanu yakabviswa zvakare Kuwayani achinzi anofanira kuripira Garwi $5 000 pamidziyo yake iyo yaakapisa musi wa28 Kukadzi 2020 usati wasvika.

Muchuchisi Shamiso Ncube anoudza dare kuti nemusi wa13 Gumiguru gore rino, Kuwayani ainwa doro parimwe bhawa kuChipinge apo paakanzwa Edgar Garwi (72) achitaura achizvirova dundundu kuti anoda kumudzinga kubva mumusha maanogara.

Izvi hazvina kumufadza zvikaita kuti abve paainwira doro ndokupfuura nepamba paGift Ngirandi apo paakakumbira bhokisi remachisi asi haana kutaura zvaaida kuashandisa.

Kuwayani akabva aenda kumba kwaGarwi ndokunopisa dzimba mbiri dzehuswa. Akaedza kutiza kubva pamba apa asi akazivikanwa nemumwe mugari wemumusha umu uyo ainge auya achida kuzodzimura moto uyu.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *