Sadza nemuboora une dovi

Zviri mugapu naMuchaneta Chimuka

Muriwo wemuboora wakakosha zvikuru kuutano hwevanhu sezvo uine Vitamin A neC uye Iron izvo zvinobatsira mukusimbisa mabhonzo nekuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino Susan Mhlanga wekuGokwe anotsanangudza mamwe mabikirwo emuboora.

Zvinodiwa:

Chikari, chipunu, munyu, muriwo wemuboora, matomatisi, mafuta nedovi

Mabikiro:

Geza hanyanisi nematomatisi wocheka kuita zvidimbu zvidiki.

Furura muriwo wougeza wochekerera zvekare.

Gadza chikari pamoto woisa muriwo.

Kanda munyu wakaringana netwumafuta twushoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi wozokanda hanyananisi nematomatisi zvawacheka.

Isa dovi zvipunu zviviri woramba uchikurunga kusvika zvave kukwata segwata-gwata.

Munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage uye uku kudya kwechivanhu kunovaka muviri.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×