Sadza nemuriwo wemuboora

ZVIRI MUGAPU
MURIWO wemuboora unowanikwa zvikuru munguva ino yeZhizha zvekare haunetse kubika uye mudya ndakasungwa kana uchinge wanyatsokaringwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino Mai Mercy Gumbo vekuWedza vanorondedzera mamwe mabikirwo emuboora.

Zvinodiwa:

Muriwo wemuboora, mafuta, matomatisi, hanyanisi, chikari, munyu nechipodzi (zvivana zvemanhanga zvichiri zvidiki uye zvitete).

Mabikiro:

Geza muriwo woufurura makanda ekunze.

Chichekerera pamwe nechipodzi woisa muchikari.

Isa pamoto kwenguva duku uye kana muto wava mushoma, chekerera hanyanisi nematomatisi wokanda. Isa munyu nemafuta usiye zvichikwata kwemaminitsi gumi asi uchipindura-pindura kuti zvisangane zvakanaka.

Chipodzi chinoita kuti usavi uve nemuto wakakora.

Wozodii?

Kana waibva, chipakurai mudye nemhuri. Muboora unodyiwa nesadza rezviyo, remhunga kana jena. Unogona kuisa dovi sesarudzo yako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *