Sanganisa guru nematumbu

Muchaneta Chimuka
USAVI hwematumbu akasangana nemaguru nemuriwo wemashizha mudya ndakasungwa chaiwo kana zvikabikwa zvine hunyanzvi.
Svondo rino Rejoice Rufaro Cosmas wekwaImbwanhema, kwaMusana, kuBindura anotsanangudza mamwe mabikirwo eusavi uhu.
Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, matumbu nemaguru emombe, muriwo wemashizha munyoro, hanyanisi, matomatisi, munyu nemvura.
Mabikiro:
Tora matumbu nemaguru wocheka muzvidumbu zvakanaka, suka nemvura inotonhora kaviri uchirasa mvura yacho.
Suka matomatisi, muriwo nehanyanisi wozvicheka uchiisa mundiro dzakasiyana.
Gadza chikari, poto kana pani pamoto.
Isa matumbu nemaguru nemvura makomichi maviri wokwidibira usavi zvombokwata kweawa rimwe chete.
Chiisa hanyanisi, matomatisi nemafuta wokanga kwemaminitsi gumi.
Isa muriwo woramba uchikanga kwemaminitsi mashanu.
Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura.
Munogona kudya usavi uhu nesadza remhando yamunoda kana nemupunga.
Uku kudya kwakanaka panyaya dzeutano.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *