Scottland iri mudenga rechinonwe . . . yopemberera mukombe wePSL

Munyori weKwayedza

MAZANA nemazana evagari vekuMabvuku, muHarare, vakange vari mumigwagwa yerukisheni urwu nomusi weChipiri svondo rino, vachipemberera kuhwinha kwakaita chikwata ichi mukombe wokutanga weCastle Premier Soccer League (PSL).

Kusvika pakutanga kuzivikanwa kwakaita chikwata ichi muDivision One mwaka wadarika, Scottland, iyo inonzi yakavambwa muna 2023, yaingozivikanwa kuMabvuku chete.

Asi mumakore maviri adarika, nokuda kwekukunda mumitambo yeDivision One nePSL uye kusimudzira zvakanyanya vamwe vevatambi, vanove shasha munhabvu, chikwata ichi chaita mukurumbira.

Chakanyora nhoroondo munzira yose, kuve chikwata chakahwinha mukombe wePSL chichangopinda muligi iyi mukati memakore 41.

Black Rhinos ndiyo yakapedzisira kuita izvi muna 1984.

Scottland zvakare yakaita chikwata chokutanga kuhwinha mukombe uyu chichangopinda muligi mugore rokutanga, kubvira panguva iyo PSL yakatsiva  Super League.

Vagari vekuMabvuku vaiona vari nechekure apo chikwata chavo chakatora mukombe chakatungamira nezvibodzwa zvinomwe.

Sezvo Scottland yaitambira mitambo yayo yeligi munhandare yeRufaro, zvinoreva kuti vagari vekuMabvuku vakawanda havana kuwana mukana wekuona chikwata chavo chichitamba.

Zvisinei, varidzi veScottland vanoda kusandura zvose izvi uye vanotenda kuti kuvakwa kwenhandare hombe kuMabvuku kuchaita kuti vatambire mitambo yavo pamusha.

Pamhemberero dzomusi weChipiri, vatambi nevatungamiriri vechikatwa ichi vaichinjana kutaridza mukombe uyu apo vaive vari mubhazi iro rakasvika kuMabvuku svondo rino, izvo zvakataridza kudyidzana kwakadzama pakati pevagari vemunzvimbo iyi nechikwata chavo.

Zvaitaridza mucherechedzo werudo rwechokwadi.

Mabvuku ine nhoroondo yekubura vamwe vevatambi venhabvu vemhando yepamusoro —  mushakabvu Joe Mugabe, Brenna Msiska, mapatya ekwaMugeyi anoti Wilfred naWilliam, Usman Misi namushakabvu Oswin Kwaramba. Vose ava vaibva kuMabvuku.

Kunyangwe zvazvo Wilfred naWilliam vakabatsira Black Aces kuhwinha mukombe weligi muna 1992, apa rwaive rukisheni rwakasiyana, rwuchipemberera chikwata charwo mushure mekuhwinha mukombe wePSL.

Tymon Machope, uyo akanwisa kudarika vamwe vose muchikwata cheScottland nemumwe mutambi wepamusoro, Khama Billiat, vakatambirwa nemufaro mukuru apo vakasimudza mukombe uyu.

Mhemberero idzi dzakasvikawo nepakati peguta reHarare nekuMbare, apo mukombe uyu waitaridzwa.

Vamwe vatambi veScottland, avo parizvino vane chikwata chenyika chemaWarriors, vakange vasipo pachiitiko chikuru ichi.

Tonderai Ndiraya, uyo akave murairidzi wokutanga kutungamirira zvikwata zviviri zvakasiyana mukuhwinha mikombe yokutanga mumwaka yakatevedzana, akange asipo zvakare pamhemberero idzi.

Ndiraya akabva kuchikwata ichi achangopedza kuhwinha mukombe uyu uye akatsiviwa naNorman Mapeza.

Mutevedzeri wasachigaro wechikwata cheScottland, Musa Gwasira, akacherechedza kusavapo kwaNdiraya nevamwe vatambi apo akataura nevatsigiri.

Akatenda vatsigiri nekumira neScottland mumwaka wa2025 kusvikira yatora mukombe.

Chikwata ichi chine hurongwa hwekuenderera mberi nemhemberero dzekuratidza mukombe wacho kune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika nekufamba kwenguva.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×