Seed Co ihochekoche nevarimi

Godwill Macherera
AKANGA ari makuwerere pamusha waBaba naMai Matanhire vekuPortlet Estate, kuMakonde, mudunhu reMashonaland West.

Apa paive nekuratidzira (field day) yemunda wakarimwa chibage cheSC 727 icho chakaita zvakanaka chose.

Chakanyanyofadza varimi inhau yekuti mbeu iyi yakabvuma zvikuru, zvisinei nekushata kwanga kwakaita mwaka uno nezuva. SC 727 yakava mhupuro yekuti zvirokwazvo mbeu dzekuSeed Co dzinoshingirira muzuva, murimi agotokohwa zvakanaka.

Munyarikani mukuru aivepo ndiVaRunesu avo vakabva kuhofisi yaMudzviti (District Administrator) uye vakakurudzira varimi kuti vashande nesimba uye vave vakavimbika pazvirongwa zvakafanana nezveCommand Agriculture kuti nyika isimukire panyaya dzeupfumi.

Varimi vakabatsirikanawo neruzivo rwavakapakurirwa nevarimisi vekuAgritex nevamwe vanoitawo zvemishonga yemuminda nevemafetireza.

Kuitwa kwema”field days” aya mucherechedzo mukuru wekuti kambani huru pakuuchika nekutengesa mbeu, yeSeed Co, inoramba iri hochekoche nevarimi kumatunhu ose enyika.

 

Kuti Seed Co ndiko kuti Sadza nemuriwo! Zvedi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *