Seed Co yakabatsira Peterhouse Boys

Abel Ndooka
KAMBANI huru pakuuchika nekutengesa mbeu, yeSeed Co, svondo radarika yakapa chikoro chePeterhouse Boys chiri kuMarondera mayunifomu emutambo wecricket.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukushi wemashoko weSeed Co – Muzvare Marjorie Mutemererwa – vanoti kubvira nakare, kambani yavo inotsigira zvemitambo.

“MuZimbabwe, mitambo yakakosha uye kubva kare, muno takakwanisa kubika mazita makuru kubva mumitambo. Pavatambi vatapa mayunifomu ava ndipo pachabva anaHeath Streak nanaAlister Campbell vemangwana.

“Chido chedu kuti mitambo isimukire uye ticharamba tichitsigira, iri rimwe remabasa atinoita senzira yekudzosera kuvanhu,” vanodaro.

Zvikwata zvakapihwa mayunifomu ndezveUnder-14, U-15, U-16 nezvitatu zvevakuru. Muzvare Mutemererwa vanoti mutambo wecricket wange wadzikira mumakore adarika.

“Makore adarika, mutambo uyu wange uchidzikira zvikuru uye zvinozivikanwa. Saka chishuwo chedu kuona uchisimuka zvakare asi hunge vanoona nezvecricket vakabatana nemakambani anofambisa basa,” vanodaro.

Keputeni wePeterhouse Boys Cricket, Taine Smith, anotenda Seed Co nerubatsiro rwayakavapa.

“Isu sechikwata tichatamba zvekusvika pakudambuka makumbo kuti tihwine nechinangwa chekusimudzirawo kambani yeSeed Co iyo yakazvipira kushanda nesu,” anodaro Smith.

Aka hakasi kekutanga Seed Co ichibatsira zvikoro mune zvemitambo. Gore rapera yakapa zvekutambisa cricket kuchikwata cheChurchill Boys High neSt George’s College.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×