Seed Co yobatsira vanoshaya

Lizzy Mushoriwa naMalven Mugadzikwa —
KAMBANI ine mukurumbira pakuuchika mbeu, yeSeed Co Zimbabwe, yakabatsira mapoka akasiyana anosanganisira chipatara cheHarare Central Hospital nehupfu.

Mamwe mapoka akapihwa rubatsiro ndeanoti SOS Orphanage neCompassionate Ministries iyo iri pasi pechechi yeCelebration Church.

Vachitaura pachiitiko ichi vakamirira vamwe vose vakabatsirwa nehupfu uhu, mukuru wechipatara cheHarare Central Hospital – Muzvare Peggy Zvavamwe – akatenda Seed Co nechipo ichi.

“Ndinopa kutenda kukuru kuSeed Co nehupfu hwavatipa uye tichaona kuti hwasvika kuvarwere vedu.

Rubatsiro urwu rwakakosha kwatiri nekuti tine vakawanda vanoda rubatsiro rwechikafu pachipatara pedu. Kurangarirwa kwataitwa neSeed Co uku kunoitawo kuti basa redu rifambe zvakanaka,” anodaro Muzvare Zvavamwe.

Mukushi wemashoko kuSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererwa anoti kambani yavo ine chishuwo chekubatsira vanoshaya kubirikidza nekuvapa kudya kwakaita sehupfu.

“Ndiri kufara zvakanyanya nekubatsira kuri kuita kambani yedu mapoka akasiyana mukuunza maguta kune avo vasingawani zvekudya zvakakwana. Chinangwa chedu chikuru seSeed Co kuona kuti nyika yawana kudya kwakakwana kuburikidza nekuuchika mbeu, kudzitengesa pamwe nekupa chikafu kune avo vanoda rubatsiro urwu,” anodaro Muzvare Mutemererwa. Seed Co iri kubatsira mapoka akasiyana nehupfu pasi pechirongwa chinonzi Bring Food to theTable.

Muzvare Mutemererwa anokurudzira mamwe makambani kuti atevere matsimba avo mukubatsira vanotambura.

Anoti kambani yavo inobatsira zvakare vana vanotambura nemari yechikoro nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *