Seed Co yoita makwikwi evechidiki

Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru mukuuchika nekutengesa mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, yakabatana nesangano reBoost Fellowship mukuparura chirongwa chemakwikwi evechidiki nechinangwa chekuvakurudzira kuti vave nemazano matsva uye zvigadzirwa zvinosimudzira nyaya dzekurima.

Chirongwa ichi chinozivikanwa nekuti Seed-Boost Innovations Challenge.

Muzvare Marjorie Mutemererwa, avo vanoona nezvekudyidzana pakati pekambani yeSeed Co neveruzhinji, vanoti vechidiki vanofanira kuuya nepfungwa itsva uye zvigadzirwa zvakanangana nekurerutsa pamwe nekufambiswa kwebhizimisi rezvekurima.

“SeSeed Co, tinonzwa manyukunyuku mukukurudzira vechidiki mumabhindauko akasiyana uye kuti vauye nepfungwa dzakanangana nekurerutsa kuitwa kwemabasa ekurima nekufambiswa kwebhizimisi rezvekurima. Vechidiki ndivo vakabata ramangwana renyika naizvozvo vanofanira kuva nepfungwa yekuve nezvigadzirwa uye ruzivo rwechizvino-zvino mune zvakasiyana zvinopedza matambudziko ane chekuita nevarimi. Zvekurima mazuva ano zvava kuda kushandisa chizvino-zvino, naizvozvo vechidiki vane mukana wekuita izvi vachiunza pfungwa dzavo pasi pechirongwa cheSeed-Boost Innovation Challenge,” vanodaro.

“Takaona kuti Boost isangano rinoshanda zvakanyanya rakabatana nevechidiki vari kumayunivhesiti. Tinovimba kuti mayunivhesiti nemakoreji vachatora mukana uyu kubatanidza vana vechidiki nemakambani kuti vawane mukana wekuburitsa zvipo zvavo nekupa pfungwa dzavo mukuvandudza basa.”

Executive director weBoost Fellowship, Mai Busi Marandure vanotenda Seed Co nekusimudzira kwairi kuita vechidiki mumabasa ekurima.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *