Seed Co yotsigira varimi vefodya

Clemence Mucharedzeyi

AIVA makuwerere kuNyamasinga Ward 8, kwaMakoni nemusi wa6 Mbudzi apo paiva nevarimi vechidiki vaipedza chikoro chekurima kunyanya fodya nezvimwe zvirimwa.

Seed Co yaivepo pachiitiko ichi ichibatsira, kupemberera nekukorokotedza varimi wechidiki vanga vachipedza zvidzidzo zvavo zvekurima. Donzvo guru raiva rekuti varimi vefodya kana varima kaviri pamunda mumwe chete vanoda kuuya nechimwe chirimwa chisiri mumhuri yefodya kuitira kuderedza zvirwere pamwe chete nezvipembenene.

Seed Co, iyo inodyidzana zvikuru neFarmers Development Trust (FDT) iyo inova yaitungamira chikoro chevarimi pamwe chete nerutsigiro kubva kubazi guru rinoita nezvefodya munyika reTobacco Industries Marketing Board (TIMB). Varimi vemudunhu iri vanorima fodya zvakanyanya asiwo vanoda sadza kuti vagoshanda zvine mutsindo. Apa ndipo pari kupinda Seed Co ichibatsira neruzivo rwekurima chibage pamwe chete nedzimwe mbesa dzemubindu.

Kana vakuru vebazi revarimisi reHurumende vaivapowo pachiitiko ichi. Mai Gashu vanova Supervisor kuAgritex vari mudunhu umu vakapawo uchapupu hwemashandiro aiita varimi vechidiki kuti vakunde muzvidzidzo zvavo.

Chiitiko chakanga chiiina mumiriri weParamende weko, VaChingosho avo vakatenda zvikuru Seed Co nerutsigiro rwemibairo yembeu iyo yakapihwa varimi kuti kuti vagodyara. Vakaenderera mberi vachikurudzira varimi kuti vashande nesimba zvinoita kuti nyika igowana mari yekunze zvinobatsira kuti magariro evanhu abudirire.

Mukuru weTIMB munharaunda iyi, VaRemwa vakataurawo vakakorokotedza varimi. Vakayambira varimi kuti kurima kwakanaka hakusi kwekutema tema miti. Vakaudzawo varimi kuti fodya chirimwa chinoraramisa chaizvo.

Vakaenderera mberi vachiti nyaya yekuchengetedza minda inodiwa uye varimi vanoda kuti mavabvisa fodya voisawo chibage, gorosi, makabichi – dzose dzinova mbeu dzinobva kuSeed Co.

Murimisi mukuru weSeed Co kudunhu reManicaland, Clemence Mucharedzeyi, akazotaura nevarimi achivakurudzira kushandisa mbeu dzine pundutso. Akataura nezvembeu dzekuSeed Co dzinopa zvose sadza nemuriwo.

Varimi vakazokorokotedzwa vose vakanga vapedza zvidzidzo vakava nenguva yakanaka.

Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kuManicaland uye anobatika pa0718 409 761

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×