Ndichiripo: First Farai

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura Aliya Mwanambo — uyo vazhinji vanoziva saFirst Farai — anoti achirimo munyaya dzemhanzi uye dzimwe nguva anombonohodha zvinhu zvakasiyana kunze kwenyika achibatsirana nemudzimai wake mubhizimisi rekutengesa zvakasiyana-siyana.

“Mumhanzi tichirimo wena uye tiri kutofamba nendima, kusaridzira muHarare hazvireve kuti hatisi kukwenya magitare. Tiri kuridza kunze uko kune vamwe vatsigiri vedu.

“Dzimwe dzenguva ndinenge ndichibatsira vadzimai vangu mubhizimisi ravo, vanoita zvekutengesa. Saka kana vakawandirwa nebasa ndinovabatsira ndomboenda kunovahodhera zvavanotengesa kuZambia,” anodaro.

First Farai – uyo anove mutungamiri wechikwata cheHurudza Express – akapararura dambarefu rake rechi17 rinonzi “Dzinodhonza Ngoro” kuHighfield, muHarare nemusi weMugovera wadarika.

Anoti vaimbi vemisambo yakasiyana ngavasarase dingindira rekuparidza rudo, tsika nemagariro evanhu.

“Tagara mune zvekuimba kwemakore akawanda chaizvo saka tinoziva kuti isu sevaimbi ibasa redu kuparidza shoko rerudo uye kutaura pamusoro petsika nemagariro izvo zvinenge zvichiitika mukurarama kwedu.

“Tikasaimba pamusoro peizvi tatokanganisa, ndicho chekutanga uye ndiyo mharidzo yatinofanira kugara tichipa nguva nenguva,” anodaro First Farai.

Dzimwe nziyo dzemuimbi uyu dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Maoresa, Pahasha ‘Lover market’ naSecret Number.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *