Seed Co yotsigira varimi veZFU

Bright Musakanda

KWAISADANWA anonzwa nemusi wa30 na31 Gumiguru apo veZimbabwe Farmers Union (ZFU) vakakoromoka kubva kumatunhu ose enyika vachiungana kuMasvingo uko vaicherechedza zuva ravo repagore.

Vemakambani anoita nezvekurima, vezvitoro nevemabhanga vaivapowo kuzotsigira zuva guru revarimi iri.

Mhemberero dzegore rino dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuvanduza kurima kana kuti zvirimwa kuitira kuti upfumi huwedzerere”.

Muenzi mukuru pagungano iri, Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vakakurudzira varimi kuti vagare vachiungana kuitira kuti vapakurirane ruzivo nemazano munyaya dzezvekurima. Vakaenderera mberi vachiti mushandirapamwe nekubatana ndiyo chete nzira inopedza nzara munyika uye zvichiita kuti upfumi hwenyika huvandudzike.

Kambani huru munyaya dzekuuchika mbeu, yeSeed Co yakaratidza kuti zvedi ndiyo vahosi kuburikidza nekutsigira kwayakaita mutambo uyu. Seed Co yakapa mabhasikoro gumi kuZFU kuti agoverwe kuvarimi.

VaSimbarashe Gotosa (Seed Co Estern Region Manager) vakatsinhira kuti Seed Co ine varimi pamoyo kuburikidza nekuuchika kwainoita mbeu dzinoshingirira muzuva uye  dzichipa goho repamusoro zvekare inoda kuti varimi vafambe nyore nemabhisikoro ayakapa.

Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *