Sei corona yapararira?

Joseph Madzimure

KUWANDA kuri kuita vanhu vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 kuri kukonzerwa nekufamba-famba kwakaita vanhu munyika yose panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva.

Izvi zvinotaurwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro vachiti chirwere ichi chiri kunyanya kupararira zvichikonzerwawo nekuti veruzhinji havachatevedzera matanho akatarwa ekuchidzivirira.

Dr Mangwiro vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mitemo yeWorld Health Organisation (WHO) apo vanoita mabasa avo zuva nezuva.

“Panguva yezororo reKirisimasi, takave nehuwandu hwevanhu vaibva kuBotswana, South Africa nedzimwe nyika uye vanhu ava vaienda kumaruwa akasiyana. Tose tinoziva kuti kumisha ndiko kwatinobva saka pakave nekufamba-famba kwakanyanya uye kuchiri kuenderera mberi nanhasi,” vanodaro Dr Mangwiro.

“Nzvimbo dzataimboona sedzisina njodzi yekubatira chirwere ichi hadzisisina kuchengetedzeka. Mativi ose enyika ane vanhu vakawanda vari kubatwa nedenda iri saka tinofanirwa kungwarira zvikuru.”

Vanokurudzira vemabhazi vari kutakura vanhu zviri pamutemo pasi pekambani yeZUPCO kuti vaafirite nemushonga unouraya hutachiona.

“Mabhazi aya anofanirwa kugezwa mazuva ose nemasanitiser kuitira kuti asave nenjodzi yekuparadzira chirwere kuvanhu vavanotakura. SeHurumende, tiri kutofiritawo maguta nemushonga unouraya hutachiona.

“Tine nguva zvakare yatinofirita misika inotengeswa zvirimwa nezvimwe zvekudya nechinangwa chekuona kuti haina njodzi kuutano hwevanhu,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vabatsirane nevashandi veutano apo vanenge vachiita basa ravo.

“Ngationei kuti tinobatsirana kana vashandi veutano vachiita basa ravo vachitsvaga vanhu vakambosangana nevanenge vawanikwa vaine chirwere ichi. Tinofanirwa kuvabudira pachena. Kana munhu achinge anzi ngaavhenekwe, ngaatevedzere zvinodiwa,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti vanhu vane zvimwe zvirwere segomarara, zvirwere zveitsvo nemwoyo vanofanirwa kungwarirwa sezvo vari panjodzi huru yekubatwa uye nekufa neCovid-19.

“Nzira yakanaka yekuzvidzivirira uye kudzikisa kupararira kweCovid-19 kutevedzera mitemo yeWHO inosanganisira kugara kwako woga, kushandisa sanitizer, kusaita chitsoko-tsoko nekupfeka masiki nemazvo.”

Dr Mangwiro vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira vanhu kuti vagare kudzimba. Hutachiona (hwecoronavirus hunokonzera chirwere cheCovid-19) hunopararira nekukasika munzvimbo dzinoungana vanhu, mumotokari uye nekumwe kwose kwaunoenda. Ngatitevedzerei mitemo nezvimwe zvinodiwa.”

Vanoyambira kuti huwandu hwevanhu vanotenderwa kuungana parufu havafanirwe kudarika 30 nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×