Sekuru (61) Kwicho Pamukadzi Wemunhu (21)

YAKAVE batai-batai mumusha weWaterfalls, muHarare, nguva pfupi yadarika apo imwe harahwa yakarohwa senyoka yapinda mumba mushure mekubatikidzwa ichisasana nemudzimai wemuridzi uyo anogona kuita muzukuru kwairi pazera.

Izvi zvakaitika kunzvimbo inonzi Retreat nemusi weChishanu svondo rapera pamberi apo musharukwa Nastori Kweru (61) akawanikidzwa achiita chohupombwe naNolen Bhotiyasi (21), uyo anove mudzimai waEnerst Chitsore (30).

Harahwa iyi iri kurapwa maronda ekurikitwa kwayakaitwa apo yakabatikidzwa, mamwe acho ari mumusoro.

Sekuru Kweru vari pamudyandigere uye muvakidzani waChitsore, uyo anoshanda semurindi.

Muhurukuro naChitsore, anoti akagurwa kunorira nemudzimai wake nasekuru ava.

“Ndinotenda (Kwayedza) nekuuya kwamaita kuti ndiwanewo wekuturira nhunha dzangu. Sekuru Kweru vauraya imba yangu neupenyu hwangu hwose. Kunyangwe ndikafunga kuroora mumwe mudzimai handifungi kuti angape rudo kuvana vangu rwakaenzana nerwavanopihwa naamai vavo nekuti vachiri vadiki. Mumwe ane makore mashanu mumwe wacho matatu.

“Uku ndiko kudya mundiro imwe naJudhasi nekuti vaindiita muzukuru tose nemudzimai wangu. Ndainwa navo doro uye pazuva randazodzidza kuti vaitorana nemudzimai wangu takatoenda navo kunomora huchi tikazoregedza mushure mekunge tarumwa tose nenyuchi,” akadaro Chitsore.

Anoti mushure mekurumwa nenyuchi akazoenda zvake kubasa manheru uko asina kunoshanda usiku hwose nekuda kwehurwere.

“Nekuda kwekurumwa kwandakange ndaitwa nenyuchi masikati, ndakaramba ndave kupindwa nechando ndichibva ndakumbira muRungu uyo akandipa mari yekunorapwa ndikadzoka kumba kuma9 manheru. Ndipo pandakasangana nemashura apo Sekuru Kweru ndakawana vari kusasana nemudzimai wangu mubhedhuru medu,” akadaro. Anoti akasvikogogodza pamusuwo asi vaviri ava vakaramba kuzarura gonhi zvinova zvakaita kuti afungidzire kuti pane zvaiitika.

“Ndakagogodza musuwo ndichidaidzira kuti amai Matthew zarurai musuwo ndipinde ndiri kutonhorwa. Asi mudzimai wangu akadongorera nepagwanza remusuwo achiti baba Matthew muri kudiwa kuna Sekuru Kweru. Ndakati ko, Sekuru Kweru vanogondigarira mubhedhuru mangu chii chanetsa iye akati variko kumba kwavo achifunga kuti ndichabva ndichienda kumba kwasekuru ava kuti vasare vachiwana mukana wekutiza.”

Chitsore anoti akazoti kumudzimai wake amukandire makiyi nepasi pegonhi izvo akaita.

“Ndakabva ndatora makiyi aye ndokusiya ndavakiira ndichienda kunodaidza hama dzake dziri pedyo neveruzhinji. Iye ndipo paakasara akavhura gonhi ave kupaza musuwo achishandisa screw driver ndokutiza akananga nekumakuva ari pedyo nepatinogara.

“Akatozodzoka ndisipo ave kutora vana nemidziyo yake, nanhasi haasati adzoka sezvo ari kunzi akaenda kuShamva kumusha kwake.

‘‘Mudzimai uyu handina kumurova asi Sekuru Kweru ndivo vandakarova nezvibhakera nezvindinha.

“Ukaona uchirova mudzimai mushure mekunge akuitira hupombwe zvinoreva kuti unenge uchiri kumuda, uyu kwete handichada. Anofanira kuzvitongesa oga.”

Anoti ane hurongwa kwekukwidza nyaya iyi kudare reCivil Court kuti aripirwe naSekuru Kweru pamhosva yekutora mudzimai wake.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×