Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku

MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare.

Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden Muyambo akatarisana nemhosva mbiri idzi pasi pechikamu cheSection 32(2) chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act.

Mukuzvidzivirira, Mkhize akaudza dare kuti: “Ndakawana kamafurashi iyi kuSouth Africa uko ndaishanda semurindi. Handina kuzviziva kuti imhosva. Ndakaramba ndichiipfeka nekuti handina kuziva kuti ndiri kutopara mhosva.

Muchuchisi Muzvare Sibusisiwe Sithole vakaudza dare kuti veruzhinji havakurudzirwe kupfeka kamafurashi.

“Vanhu vemunharaunda havakurudzirwe kupfeka kamafurashi nekuti kune vamwe vanonyepa kuti mapurisa uye vachipara mhosva dzekutsotsa vanhu.

“Hurumende inonamata kuti papihwe mutongo unoita kuti veruzhinji vasapfeke kamafurashi,” vanodaro.

Kutongwa kwenyaya iyi kwakapfuudzwa kumberi.

Muzvare Sithole vanoti nemusi wa25 Chivabvu gore rino nenguva dza3.30pm, matikitivha eCID Minerals, Flora and Fauna Unit vaiita chirongwa chinonzi ‘Iron Fist’ apo vakaenda kumugodhi weOswell Mine, Lot 12 Umguza, kunze kweguta reBulawayo.

Matikitivha aya akabva aona

Mkhize akapfeka kamafurashi ari pedyo negedhi repamugodhi uyu.

Vakaenda kwaari ndokubva vazvizivisa kuti vaiva vanaani uye ndokumuudza kuti avataridze umbowo hwekuti ane mvumo yekupfeka mutirauzi wekamafurashi.

Mkhize akakundikana kupa umbowo uhu akabva asungwa.

Kamafurashi iyi yakatorwa uye ichaburitswa mudare seumbowo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *