Sekuru vaponda muzukuru (6) atadza kunyora zita rake

Kingstone Mapupu

MWANASIKANA ane makore matanhatu ekuberekwa akafa mushure mekurohwa zvakanyanya nesekuru vake nekuda kwemhosva yavaimupomera yekuti aitadza kunyora zita rake mumusha waSabhuku Kosvoro kudunhu raMambo Masunda, kuZvishavane.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo sekuru ava vaimudzidzisa kunyora zita rake iro aitadza zvakaita kuti vatore shamu yemuti wemupani nechamboko ndokumurova kwemazuva maviri akatevedzana.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti sekuru ava vanonzi vakarova muzukuru wavo uyu nemusi wa18 na19 Ndira.

“Mwana akashaika uyu anonzi Praise Tsomeka uyo aidzidziswa kunyora zita rake nasekuru vake vanonzi Takudzwa Wellington Chimutsa (28), avo vaichengeta mwana uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvinonzi nemusi wa18 Ndira gore rino nenguva dza5pm, Chimutsa akadzoka kubva kubasa ndokusvikotanga kudzidzisa muzukuru wake kunyora zita rake.

“Mwana uyu anonzi akatadza kunyora zita rake ndokubva Chimutsa agumbuka nazvo ndokutanga kumurova. Akaenderera mberi nekumurova neshamhu yemuti wemupani. Nemusi wa19 Ndira, murume uyu akaenderera mberi kurova mwana uyu zvakazoita kuti shamhu yaaishandisa

ityoke apo akazotora chamboko cherubber ndokuenderera mberi nekumurova,” vanodaro Insp Mahoko.

Nemusi wa21 Ndira, mwana uyu akatanga kupera simba mumuviri wake achirwadziwa zvikuru.

“Chimutsa nemudzimai wake vanonzi vakazotora mwana uyu ndokuenda naye kumuporofita akanonamatirwa vachibva vazodarikira kuenda kuchipatara cheZvishavane District Hospital uko Praise Tsomeka akasvika achifa achangotanga kurapwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Chimutsa akabva asungwa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda uye akachengetedzwa achimirira kuenda kumatare edzimhosva.

“Tinoramba tichiyambira vabereki nevanogara nevana kuti vavape rudo nekuvabata zvakanaka nguva dzose pasina kuvashungurudza kana kuvarova. Vanhu ngavazive mwero wekuranga vana,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×