Sekuru vopindira muzukurusikana . . .

‘Ndiri musvo here?’

Tatenda Shuro
MUZUKURUKADZI akamhan’arira sekuru vake kudare achiti vane katsika kekumupindira mumba make apo anenge ari musvo uye haasi kudya rinopisa sezvo vari kugara vachinetsana nekuda kwesitendi yemba.

Spiwe Mapfumo akaendesa Kamvura Kudakwashe kuHarare Civil Court achida dziviriro.

“Mambo wangu, sekuru ava ndakavachengeta kwenguva yakareba ndokuzopfekerwa kuti vagare pasitendi yangu ndikanotaurira vedzimba ndokunditi ngatimirei tione vari kuvaka ndokuona vari ivo. Iko zvino ndave kuti ndikasima chinhu, vanobva vachidzura,” anodaro.

Anoti anoda kuti Kamvura abviswe pasitendi iyi.

“Ngaadzingwe zvake murume uyu, ndaneta. Anondipindira mumba ndisina kupfeka.”

Kamvura anoramba kuti ari kushungurudza muzukuru wake.

“Kana iri nyaya yemasitendi, ndakatopihwa padivi pavo, chero ivo vanopa dzimba vakatombouya kaviri vakangoti chingogarai magariro amakaita iwayo. Zvino muzukuru wangu anoramba achinditi ndakapfekerwa munzvimbo yake?” anodaro. Anoti kana akadyara mbambaira dzake, muzukuru wake anodzidzura.

“Muna Kukadzi, pandainge ndodyara mbambaira, vakauya ndokudzidzura ndokundipfira mate kumeso zvinova zvakandibata-bata ndikazongovasandudzira nokuti vakazviita kaviri uye vaigarotukana nemudzimai wangu,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mapfumo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *